Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voradzika Gamba VaMabenge Vachiti Pane Vari Kuda Kuvhiringidza Hupfumi


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vatungamira hurongwa hwekuradzikwa kwegamba renyika Brigadier General Retired Benjamin Mabenge vachiti pane vamwe vanhu vari kuda kukonzera kusagadzikana munyika kuburikidza nekukanganisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi asi vachiti havasi kuzobudirira.

Vachitauura pamarinda eHeroes Acre muHarare, VaMnangagwa vati pane vanhu wavasina kuda kudoma nemazita wavati vari kuda kukonzera kusagadzikaa munyika. VaMnangagwa vati nyangwe zviome sei vachakunda muhondo yezvehupfumi.

Vatiwo makambani ari pasi pehurumende anofanira kutevedzera zvinangwa zvehondo yechimurenga kuti nyika ibudirire. Vaenderera mberi vachiti apo nyika yatarisana nesarudzo dza2023, zvakakosha kuti munyika muve nerunyararo sezvaidiwa naVaMabenge.

VaMnangagwa vatiwo Brigadier General Mabenge vaive munhu ane njere dzakapinza.

Ataura akamirira mhuri yaVaMabenge Va T. Mabenge vatenda hurumende nebato reZanu-PF nekuvapa chiremerera chepamusoro soro chegamba renyika.

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati vanotenderana nemashoko aVaMnangagwa ekuti magamba anofanira kuremekedzwa.

Asi mutevedzeveri wemutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaOstallos Siziba vati havasi kuona kuremekedzwa kwemagamba ikozvino.

Brigadier general (Rtd) Mabenge vaizivikanwa nezita rekuti Cde Freddie Matanga munguva yehondo yeChimurenga.

Vakaberekwa mugore ra1954 kuZvishavane. Kubva muna 2010 kusvika muna 2014 vaive nhengo yebhodhi reZBC. Vakambovawo nhengo yebhodhi reZimbawe Defense Forces Commission. Vasiya mudzimai Amai Rosegema nevana vatanhatu.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG