Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau veNewsday Vombosungwa neMapurisa


Mapurisa nhasi asunga vatori venhau veNewsday akavapomera mhosva yekutyora mutemo weData Protection Act nenyaya yavakanyora yegakava rinonzi ravepo pakuti ndiyani muridzi wenzvimbo ine Marinda eGlen Forest Memorial Park muHarare.

Vasungwa vanoti mupepeti mukuru webepanhau iri Wisdom Mudzungairi, mutori wenhau Desmond Chingaire uye gweta rekambani iyi VaTatenda Chikohora.

Bepanhau iri rakanyora nyaya yekuti mumwe ane zvikamu muGlen Forest Memorial Park VaJoseph Richard Crnkovic ainge apotera pamuzinda weEU munyika sezvo aiti aitya kuitwa kafiramberi nevanofunidzirwa kuti vasori.

Gweta range richimirira vatatu ava vari nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights VaJeremiah Bamu vaudza Studio 7 kuti ava vatori venhau vekutanga kusungwa pasi pemutemo weData Protection Act uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG