Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu, 03, 2022


Shona Headlines

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vatungamira hurongwa hwekuradzikwa kwegamba renyika Brigadier General (Retired) Benjamin Mabenge vachiti pane vamwe vanhu vari kuda kukonzera kusagadzikana munyika kuburikidza nekukanganisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi asi vachiti havasi kuzobudirira.

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti mashoko akaturwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube nezvemamiriro ebhajeti renyika anoratidza kuti nyika haina hutungamiri zvapa kuti vakawanda munyika vanonge svosve nemuromo.

Zimbabwe Electoral Commission yazivisa nhasi kuti vanhu vanoti darikei zvishoma zvikamu makumi mashanu kubva muzana kana kuti 50,03% ndivo vakaongorora mazita avo mugwaro revavhoti.

Vatori venhau veNewsday nhasi vambochengetedzwa nemapurisa zvinonzi zvine chekuita nenyaya yavakaburitsa yekunetsana panzvimbo inovigwa vanhu yeGlen Forest Memorial Park.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naMukoma Trinity Munyaradzi Dhliwayo vanobva kwa Chakohwa kwaMutare, avo vanozivikanwa munyaya dzemimhanzi nerekuti DJ Olo Matete

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Dispora Forum nhasi, tiri kutarisa nyaya yekusagadzikana kwezvinhu kuSouth Africa umo zvizvarawa zvenyika iyi zvaramba zvakamira nerekuti zvizvarwa zveZimbabwe nedzimwe nyika zvibude munyika iyi vachizvipomera mhosva yekuvatorera mabasa uye kutengesa zvinodhaka nekuba.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG