Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vozivisa Nyika Yavo Nezve Kuurayiwa kweMutungamiri weAl Quaida


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nezuro vakati America yainge yauraya mutungamiri wechikwata chinopfurikidza mwero cheAl Qaida, Ayman al Zawahri. Al Zawhri akaberekerwa kuEgypyt.

Chikwata cheAl Qaida ndicho chakapamba ndege ndokuparadza zvivakwa muNew York, Pentagon nePennsylvania musi wa 11 Gunyana 2001 kukafa vanhu zviuru zviviri nemazana mapfumbamwe nemakumi manomwe nevanomwe.

VaBiden vakati mushure mekutsvaga Al Zawhri kwemakore akawanda, vasori vemuAmerica vakazoziva kuti ainge ave kugara muKabul, Afghanistan nevamwe vepedyo vemhuri yake. VaBiden vanoti Al Zawahri akaurayiwa ari oga kunyangwe mumba maainge ari mainge muine vamwe vanhu.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogara muNew York muzvare Savanna Madamombe, vanoti chiitiko ichi chichabatsira kupodza maronda evanhu vazhinji vakarasikirwa nehama neshamwari muguta iri mugore ra 2011.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG