Accessibility links

Breaking News

Mutongo paChikumbiro ChaVaSikhala neVamwe Chekubvisa Mari yeChibatiso Wotarisirwa neChishanu


VaJob Sikhala

Nhengo dzeparamende dzebato reCitizens Coalition for change VaJob Sikhala, Zengeza West, naVaGodfrey Sithole, Chitungwiza North dzange dziri mudare ramejastiriti nhasi dzichikumbira dare kuti dzipihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Magweta avo anoti vagarisa mutirongo uye mhosva yavari kupomerwa haina kunyatsori tsvikiti.

Mutongi wedare ramejastiriti VaStanford Mambanje vati vachapa mutongo wavo nemusi weChishanu.

Asi mapurisa ange akapakatira zvombo adzinga vatsigiri vebato iri vange vauya kuzotsigira vasungewa ava. VaSikhala naVaSithole nevamwe vatsigiri vebato iri vakasungwa vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga kuNyatsime mushure mekupondwa kwenhengo yebato ravo Muzvare Moreblessing Ali. Asi vebato reCCC vanoti vari kkatyamadzwa kuti sei mapurisa asina kusunga vamwe vaZanu-PF vakabuda pamavhidhiyo vachipesvedzera mhirizhonga. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakaudza Studio 7 kuti hapana akamhan;ara nyaya yacho.

VaSikhala, VaSithole nevamwe vatsigiri vebato iri vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare ramejastiriti vachinzi vanogona kuramba vachikonzera mhirizhonga.

Mune imwe nyaya, mutauriri webato reCCC Muzvare Fadzayi Mahere vati sachigaro wevechidiki mubato kuChitungwiza South VaEphrage Gwavava vatorwa nevanhu vange vachizviti mapurisa ekudema mangwanani.

Asi mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vange vasati vasumwa nezvenyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG