Accessibility links

Breaking News

Cont Mhlanga Ochemwa seGamba


Cont Mhlanga
Cont Mhlanga

Cont Mhlanga akaita mbiri nenyaya dzemitambo uye akavamba Amakhosi Theatre Production ashaya mangwanani anhasi kuBulawayo. Ange ave nemakore makumi mashanu nemapfumbamwe ekuberekwa.

Mumashoko kuvatori venhau, mukuru weNational Arts Council VaNicholas Moyo vati Cont akapinda muchipatara mazuva gumi adarika asi akatanga kurwarisa mazuva matatu adarika.

Cont aizivikanwa nenyaya dzekunyora mitambo, kuita zvemafirimu uye kutungamira zvemitambo.

NAC inoti Cont akanyatsotanga kupinda mune zvemitambo muna 1982 paakaumba Amakhosi yakatanga ichidzidzisa vechidiki mutambo wekarate isati yatanga kuita zvemitambo.

Muna 2008 Cont akahwina makwikwi eFreedom To Create akakunda vamwe kubva kunyika makumi masere nenhanhatu pasi rose akawana mubayiro wemari inosvika zana rezviuru nemakumi maviri nemashanu kana kuti US$125 000.

Cont akasungwawo kakawanda nenyaya yekuonekwa semunhu aishoropodza hurumende.

Muimbi uye nyanduri, Chirikure Chirikure audza Studio 7 kuti nyika yarasikirwa negamba.

Hurukuro naVaChirikure Chirikure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko aya atsinhirwa nemume munyori wemabhuku uye achiita zvemitambo, Aaron Chiundura Moyo ati vende rasiiwa naConte richanetsa kuzadzikisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG