Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Vovimbisa Kuwedzera Vashandi Mari neMadhora emuNyika Muna Gunyana


Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Mthuli Ncube
Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Mthuli Ncube

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vavimbisa kuwedezera vashandi vehurumende imwe mari yavanotambira muna Gunyana nemadhora emunyika.

VaNcube vataura izvi mumusangano wavaita nhasi nevashandi vehurumende. Vamwe vapinda mumusangano uyu vanosanganisira gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima uye mutungamiri wesangano remubatanidzwa wemasangano evashandi reZimbabwe Confederation of Public Sector Unions Amai Cecilia Alexander.

Amai Alexander vaudza Studio 7 kuti VaNcube vavimbisa kuwedzera vashandi mari nemadhora emunyika vachiti parizvino hurumende haina madhora ekuAmerica ekupa vashandi. Hatina kukwanisa kubata VaNcube kana VaMavima kuti tinzwe divi ravo.

Asi musangano uyu wauya panguva iyo vashandi vari kuchema chema kuti mari yemunyika yavari kutambiriswa haina chaichatenga nekuda kwekukwira zvakanyanya kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation.

Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstat yakazivisa kuti inflation mwedzi wapera yainge yasvika pazvikamu mazana maviri nemakumi mashanu nematanhatu nezviga zvipfumbamwe kubva muzana kana kuti 256,9%.

Vashandi vakawedzerwa mari zvakapetwa kaviri mukupera kwemwedzi wapera asi vanoti haina chaichatenga nekuda kwekushaya simba kwedhora remunyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG