Accessibility links

Breaking News

Makurukota eHurumende Otarisirwa Kusangana neVashandi veHurumende neMuvhuro UnoUya muNhaurirano dzeMihoro


Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima, (Columbus Mavhunga/VOA)
Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima, (Columbus Mavhunga/VOA)

Gurukota rezvemabasa nevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti vari kutarisira kuti musangano wavachaita nevashandi vehurumende neMuvhuro unouya uchabatsira kuti hurumende iratidze vashandi vayo mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi pamwe nemamiriro akaita bhajeti renyika.

Muzvinafundo Mavima vanoti musangano uyu uchaita kuti mapoka ose aonesane nekupana nhunha mukutsvaga kuti chii chingaitwa kugadzirisa dambudziko renyaya dzemihoro yevashandi vehurumende.

Gurukota rezvemari, Muzvanafduno Mthuli Ncube, vari kutarisirwawo kupinda mumusangano uyu.

Musangano uyu uri kuuya panguva iyo vashandi vehurumende vari kubva mukuramwa mabasa kwemazuva maviri vachida kumanikidza hurumende kuti igadzirise zvichemo zvavo, uko kunonzi nehurumende hakuna kubudirira.

Nhaurirano dzeMuvhuro unouya idzi dziri kumutsiridzawo nhaurirano dzemihoro dzakambenge dzichiitwa pakati pevashandi nehurumende asi dzakatadza kuburitsa chimuko, izvo zvakasvitsa pakuti vashandi varambe zvikamu zana kubva muzana zvemari yemunyika zvavakanga vawedzerwa nazvo mihoro yavo nehurumende.

Kunyange hazvo vashandi vakaramba zvavipiwa nehurumende, hurumende inonzi yakaenderera mberi ndokuita zano ndega ichiwedzera mihoro yevashandi vayo zviri mumadhora emunyika.

Vashandi vehurumende vari kuda kuti mihoro yavo idzoserwe pamari dzavaitambira muna 2018 dzichiuya dziri mumadhora ekuAmerica.

Asi VaMavima vakatozivisa kare kuti hurumende haikwanise kubhadhara vashandi vayo nemari yekuAmerica sezvo isina mari yacho.

CIVIL SERVANTS-MAVIMA-JONGA-SHONA 30 JULY 2022.mp3
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wesangano revashandi vehurumende ,reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, Amai Cecilia Alexander, vatenda kuti kune musangano uchaitwa neMuvhuro asi vachiti musangano uyu hausi weNational Joint Negotiating Forum kwete.

Amai Alexander vanoti vatora danho rekusangana negurukota rezvemari, VaNcube, kuti patsvagwe nzira dzekugadzirisa dambudziko ravo nekuda kwekuramba mari yemunyika iri kuramba ichishaya simba.

CIVIL SERVANTS-ALEXANDER-SHO-JONGA 30 JULY 2022 .mp3
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG