Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakashanda paCensus Vonyunyuta Kuti Havasati Vabhadharwa Mwedzi Mitatu Vaita Basa Iri


Vashandi vakaverenga vanhu vakanga vachishanda vari pasi peZimstat.

Vamwe vashandi vehurumende vakaverenga vanhu munyika pasi pechirongwa cheCensus chaitungamirwa neZimStat, vari kuchemachema kuti havasati vabhadharawa mari dzavo dzebasa ravakaita mwedzi mitatu yapfuura, vachiti pavachazobhadharwa mari yemunyika inenge isisina simba.

Vanotiwo vave kutyira kuti vanogona kutozoshaya mari iyi zvachose sezvo hurumende yakatobudisa zvakabuda muchirongwa ichi svondo rino.

Vachitaura neStudio 7, vakaverenga vanhu paCensus ava vanoti kuburitswa kwakaitwa nehurumende zvavakashanda kuri kuvapa pfungwa yekuti chirongwa ichi chatopetwa nekudaro vanogona kuzotoshaisisa mari iyi zvachose.

Vamwe vakaita semumwe ada kuzivikanwa nerekuti VaZizhou chete nekutyira basa rave muhurumende vati havachina chivimbo chekuti vachawana mari iyi.

Vamwe vanoti vari kurwadziwa zvikuru kuti mitengo yezvinhu iri kuita chamurambamhuru muzvitoro apo mari yemunyika iri kudonha simba zuva nezuva vachiti pavachazobharwa vanogona kuzosara vasina chekubata.

Izvi zvatsinhirwa nemmwe aramba kudomwa nezita rake achityira basa rake
ati pavachapuwa mari iyi inenge isingasatengi zvine musoro.

Hurumende kuburikidza nebazi reZimbabwe National Statics Agency kana kuti Zimstat yakange yakavimbisa vakaverenga vanhu ava kuvabhara mari inosvika zviuru zana negumi zvemadhora emunyika kana kuti ZWDL$110 000.00, iyo yaive nehuremu hwemadhora mazana maviri ekuAmerica pakupera kwakaita chirongwa ichi muna Chivabvu.

Pamusoro pazvo, vaifanirwa kubhadharwa mari dzekudzidziswa basa dzaitangaira pazviuru makumi matanhatu nezvitanhu zvemadhora emunyika kana kuti ZWDL$66 000.00, kusvika pazviuru makumi masere zvemadhora emunyika, kana kuti ZWDL$80 000.00, idzo dzinonzi dzakabharwa vamwe asi vamwe nanhasi havasati vadziwana.

Asi vanoti nekuda kwekudonha kwesimba remari yemunyika, mari iyi haichakwani zana remadhora ekuAmerica kana pachishandiswa mutengo wedhora rekuAmerica pamusika mutema wanhasi.

Mumwe mushandi akaverenga vanhu uye ari munyori mubazi rezvekurongwa kwenhengo dzesangano revarairidzi vekumaruwa re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaAndrew Munguri, vashoropodza hurumende vachiti yakashandisa vashandi mahara.

Vamwe vaverengi vanoti chiri kuvarwadza ndechekuti bazi reZimstatt harisi kuvazivisa kuti zvakamira sei?

Vamwe, kunyanya vakashandira kumaruwa, vanoti vanorwadziwa chaizvo nekuti vaifamba mitunhu yakareba kuti vapedze misha yakange yakatarwa pazuva nekudaro vakazowana mari yapera simba vanenge vakashandira mahara.

Mumwe muverengi ada kuzivikanwa nerekuti Muzvare Mamoyo anoti kunze kwekufamba nzendo ndefu, vaibira nzizi dzakazara vachiisa hupenyu hwavo panyanga dzamushore.

Hatina kukwanisa kubata mukuru webasa muZimstat, VaTaguma Muhonde, kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yanga ichiramba kupinda.

Tatumirawo mibvunzo kune vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mubazi ZimStat, Muzvare Mercy Chidemo, asi vati havakwanisi kutipa mhinduro dzizere nekuti vange vari mumusangano uye havasati vaziva kuti vashandi ava vachabhdhara rinhi.

Asi mumashoko kuvatori venhu, Muzvare Chidemo, vakambovimbisa vakashanda paCensus ava kuti vaizobhdharwa pakupera kwemwedzi wapfuura muna Chikumi, asi izvi hazvina kuitika.

Kuverengwa kwevanhu uku kwakaratidza kuti Zimbabwe yave nevanhu vanosvika 15,178,979 kubva pahuwandu hwakawanikwa muna 2012 hwevanhu 13,061,329.

Nyaya yekuverengwa kwevanhu ina Godfrey Mtimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG