Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reCrisis in Zimbabwe Coalition, rinoti vashandi varo vatadza kuenda kubasa vachityira kupenyu hwavo zvichitevera kutyisidzirwa kwavanonzi vakaitwa nemusi weChina nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF.
Sachigrao vesangano iri, VaPeter Mutasa, vanoti motokari nhatu dzakanga dzakanyorwa kuti "Zanu PF" dzakapakwa panze pemahofisi avo muHarare, vanhu vaive mumotokari idzi vakamboramba vakagaramo, asi vakazobuda ndokuedza kupinda mumahofisi vakakundikana.
VaMutasa vanoti pamotokari nhatu idzi, mbiri dzaive dziine manhamba asi imwechete yakanga isina, uye dzakazobva pamahofisi avo dzakaenda kunomira zvakare panzvimbo yezvitoro yeBelvedere Shopping Centre.
VaMutasa vanoti sangano ravo rinoona chiitiko ichi sekutyisidzirwa nekuda kwemabasa avari kuita ekurwira kodzero dzevanhu munyika.
Vanoti vari kushanda nemagweta avo kuti vamhan’are chiitiko ichi kumapurisa.
Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti manyepo avagara vachiziva kuti anoitwa nemasangano akaita seCrisis in Zimbabwe Coalition ekuda kutsvaga kunzwirwa tsitsi pamwe nekuwaniswa mari nevanobatsira masangano akazvimirira.
VaMugwadi vanoti semaziviro avo, mahofisi eCrisis in Zimbabwe Coalition ari mumusha unogara vanhu weBelvedere, vachiti vanoshamisika kuti sangano iri rakaziva kuti motokari idzi dzakanga dzaenda pamahofisi aro.
VaMugwadi vanoti bato ravo haringashaiswi hope nesangano risina vatsigiri vachitadza kushaiswa hope nevanhu vakaita semutungamiri weCitizens' Coalitionf for Change, VaNelson Chamisa kana mutungamiri werMDC VaDouglas Mwonzora kana mutungamiri weNCA, VaLovemore madhuku, vachiti vatatu ava nevamwe vanopikisa vari kuzvifambira zvakasunguka muZimbabwe.
Zvichakadaro, sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti ranyorera zvakare mapurisa richiiazivisa nezvehurongwa hwaro hwekuda kuratidzira musi wa 05 Nyamavhuvhu.
Sangano iri rinoti rwendo rwuno raisa zvose zvakambonzi nemapurisa rakanga risina kuisa mugwaro rekutanga zvinozadzisa mutemo weMaintenance of Peace and Order Act, zvakaita kuti rinyimwe mvumo yekuratidzira svondo rapera.
Sangano iri riri kukurudzira vana veZimbabwe kuti vapinde mumigwagwa vachiratidzira kunyunyuta kwavo nekwarinoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu, kushungurudzwa kwevemasangano akazvimirira, vemasangano evashandi, vemapato anopikisa pamwe nevana veZimbabwe nehurumende.
Facebook Forum