Accessibility links

Breaking News

Bato reZanu PF roKurudzirwa Kusiyana neTsika yeKushungrudza Nhengo dzeCCC paMberi peSarudzo dza2022


Mumwe murume webato rinopikisa reCCC anoti akasungurudzwa nenhengo dzeZanu PF
Mumwe murume webato rinopikisa reCCC anoti akasungurudzwa nenhengo dzeZanu PF

Panguva iyo nyika yatarisana nesarudzo dza2023, kuvhundutsirwa nekushungurudzwa kwenhengo dzebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change nenhengo dzeZanu PF, zvikuru kumaruwa, kunonzi kuri kutowedzera.

Nhengo dzeCCC dzinonzi dziri kumanikidzwa kupinda misangano yeZanu PF, kupisiswa nhumbi dzebato radzo dzeruvara rwe yellow, uye kunzi dzichadzingwa mumisha yadzigere kana dzakaramba dzichidyidzana nebato rinopikisa iri.

Kunyange hazvo mapurisa pamwe nekomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission vari kuti vave kuferefeta nyaya yekutyisidzirwa nerufu kwemutungamiri weCCC VaNelson Chamisa nemhuri yavo pamwe nevatsigiri vavo nenhengo yeZanu PF, VaAbton Mashayanyika, bato riri kutonga rinoti harikurudzire nhengo dzaro kuita zvemhirizhonga.

Mutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa, vakati hutungamiri hwebato ravo hahukurudzire mhirizhonga uye vanoita izvi vanofanira kumhan’arirwa kumapurisa.

Asi vebato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change vanoti mapurisa ane rimwero neZanu PF vachiti mutemo unoshandiswa pachitariswa kuti munhu abuda mumba maani.

Sachigaro veCCC mudunhu reNorth America, VaTawanda Svosve Dzvokora, vanoti muenzaniso wekuti mutemo unoshandiswa zvakasiyana ndewekusungwa kwenhengo dzebato ravo kusanganisira mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala nevamwe vekuChitungwiza vachipomerwa mhosva yekukurudzira mhirizhonga asi VaMashayanyika vachisiiwa vachizvifambira zvavo.

Asi nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti pane musiyano mukuru pakati pezvinonzi zvakataurwa naVaMashayanyiika nezvakaitwa naVaSikhala, vachiti ndizvo zvakaita kuti VaSikhala vanyimwe mukana wekubvisa mari yechibatiso nemutongi wedare nekuda kwetsika yavo yekuita zvemhirizhonga nguva dzose.

Pane vanonzi vari kupisa nhumbi dzebato rinopikisa, VaChirumhanzu vanoti vanhu ivavo vanofanirwa kusungwa, vachiti veCCC vanofanirwa kunge vaine humbowo hunoratidza kuti ngana ndiye aita ichi, kwete kungoti ibato reZanu PF.

Ukuwo VaDzvokora vanoti bato ravo, kubva kumutungamiri wavo VaChamisa, haridi zvemhirizhonga, uye harina zvikwanisiro zvekuti vaite zvemhirizhonga sezvo vasina mari kana zvombo sezvavanoti zvine bato riri kutonga reZanu PF.

Vachipeta chirongwa, VaChirumhanzu vanotiwo vanokurudzira nhengo dzebato ravo reZanu PF kuti dzidzivirire rusunguko rwenyika redonhwe reropa radzo rekupedzisira, vachiramba kuti havasi kukurudzira mhirizhonga asi kuti pasi rose kusanganisira kuAmerica kunonzi kune hutongo hwejekere, vanotengesa nyika vanotorerwa matanho.

Nyaya yezvematongerwo enyika ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG