Accessibility links

Breaking News

ZESA Inoi Ichadzima Magetsi kuMigodhi Zvonzi neNyanzvi Zvichapa Kuti Hupfumi Hugwadame


 Zimplats' Ngwarati Mine in Mhondoro-Ngezi
Zimplats' Ngwarati Mine in Mhondoro-Ngezi

Sachigaro wekambani yemagetsi ZESA VaSydne Gata vanyora tsamba kusangano rinomiririra vezvemigodhi reChamber of Mines vachiri yambira kuti havachakwanise kuwanisa makambani ezvicherwa aya magetsi.

VaGata vati izvi zviri kukonzerwa nekusashanda zvakanaka kwemamwe magwenya emunyika uye kutadza kubhadhara zvikwereti kweZESA kuti itenge mamwe magetsi kubva kuMozambique neZambia idzo dzinonzi dziri kuda mari pamberi sezvo Zimbabwe iine nhoroondo yekutadza kubhadhara zvikwereti.

Vatiwo mari dzemitero dziri kubhadhariswa makambani nevanhu hadzisi kukwana kuti ZESA ikwanise kuvawanisa magetsi.

Hatina kukwanisa kubata mutungamiri weChamber of Mines VaIsaac Kwesu sezvo vange vasati vapindura mubvunzo watavatumira.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vaudza Studio 7 kuti izvi zvichapa kuti hupfumi hwenyika hugwadame vanhu vachigumurwa mabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG