Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Vanoti Mapazi eHurumende Akashandisa Mari Yakawanda Kudarika Iri muBhajeti


Finance Minister Mthuli Ncube
Finance Minister Mthuli Ncube

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube nhasi vadereredza kubva pazvikamu zvishanu kubva muzana nechidimbu kana kuti 5,5% kusvika pazvikamu zvina nezviga zvitanhatu kubva muzana kana kuti 4,6% muwono wavo panyaya yekukura kwehupfumi gore rino.

Vange vachitauta mashoko aya mudare reparamende vachiparura hurongwa hwemamiriro ehupfumi pakati pegore kana kuti "Mid-term budget review."

Vati zvekudzikira kwehupfumi izvi zviri kukonzerwawo nekusagadzikana kuri kukonzerwawo nekurwisana pakati peRussia neUkraine.

VaNcube vatiwo vari kutarisira kuti zvinhu zviri kutengeswa kunze zvichawedzera nezvikamu makumi matatu nematu kubva muzana kana kuti 33% kusvika pamari inoita mabhiriyoni matatu nezviuru mazana mashanu kana kuti US$3, 5 billion.

Zviri kutengwa unze zvinonzi zvawedzera nezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kana kuti 15% mumwedzi mitanhatu yekutanga kwegore.

VaNcube vatiwo mumwedzi mitanhatu yegore, hurumende yakakwanisa kuwana mari yemutero inosvika madhora emunyika anodarika mabhiriyoni zviuru mazana mashanu nematanhatu kana kuti ZWL$506, 6 billion ikashandisa mari inosvika madhora emunyika mabhiriyoni mazana mashanu nemakumi matatu nemana kana kuti ZWL$534, 5 billion yemadhora emunyika.

Izvi zvinoreva kuti hurumende yashandisa mari inodarika mabhiriyoni makumi maviri kana kuti ZWL $27, 9 billion yemunyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vaudza Studio 7 kuti zvataurwa naVaNcube hazvipe chivimbo kuvashandi nevemabhizimisi vachiyambira kuti zvinhu zvichatonyanya kuoma munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG