Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZanu-PF Dzopomerwa Mhosva yeKushungurudza veCCC kuMaruwa


Nhengo dzeCCC dzakamboeohwa kuKwekwe

Kunyangwe hazvo mapurisa nevesangano reZimbabwe Human Rights Commission vari kuti vari kufereketa imwe nhengo yeZanu-PF yakatyisidzira mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa nerufu, kutyisidzirwa kwevatsigiri vebato iri kuMashonaland West nedzimwe nzvimbo kunonzi kuri kuenderera mberi pamberi pesarudzo dza2023.

Komisheni inoona nezvekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu yeHuman Rights Commission nhasi yanyorera tsamba kugweta rinorwira kodzero dzevanhu Amai Beatrice Mtetwa ichi vavimbisa kuti naiyo iri kuferefeta imwe nhengo yeZanu-PF VaAbton Mashayanyika vakakurudzira pamusangano weZanu-PF kuMberengwa kuti VaChamisa, vana vavo nevatsigiri vavo vapondwe.

Amai Mtetwa vakanyora tsamba kumapurisa, ZEC ZHRC, National Peace and Reconciliation Commission nevamwe kuti vaferefete nyaya iyi kunyanya mapurisa avari kuti anongoti mutsigiri weCCC akangopomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga anobva akandwa mujeri.

Mapurisa nezuro akati ari kuferefeta VaMashayanyika. Vachitaura nezvenyaya yemhirizhonga neStudio 7, mutauriri weZanu-PF VaChris Mutsvangwa vakati hutungamiri webato ravo harukurudzire mhirizhonga uye vanoita izvi vanofanira kumhan’arirwa kumapurisa.

Kutyisidzirwa kwenhengo dzeCCC kunonzi kuri kuenderera mberi munzvimbo dzakaita seTengwe kuMashonaland West. Nhengo dzeCCC dziri kumanikidzwa kuti dzipinde mumisangano iri kukokerwa nebato reZanu PF.

Imwe nhengo yeCCC yakanyorerwa tsamba naSabhuku Patrick Samuel kuti iwuye kudare kuzozvipindurira kuti sei isiri kuuya kumisangano yeZanu PF ndiVaBlessing Usiman.

VaUsiman vanoti Sabhuku Samuel vakava tyisidzira kuti vakasapinda misangano yeZanu PF vacharangwa neshamhu ine munyu. Vatiwo vave kutyira hupenyu hwavo.


VaUsiman vanoti vakanomhan’ara kumapurisa asi havana zvavakaita sezvo vainge voda kuvayananisa.

Asi Sabhuku Samuel vanoti vakanyorera tsamba kunhengo dzebato ravo chete sezvo vachiti zviri pamutemo.

Izvi zvatsigirwa nemutauriri webato reZanu PF mudunhu reMashonaland West, VaNigel Murambiwa vanoti Zanu PF ibato rinopindwa nevanhu vanoda vasinga manikidzwe.

Kushungurudzwa kwenhengo dzebato reCCC kunonzi kuri kuitikawo mudunhu reChiweshe kuMashonaland Central.

Nhengo yeCCC muwadhi 4 VaTrymore Bvepfe vanoti nhengo dzavo dziri kurohwa nevechidiki vanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF uye vari kumanikidzwa kupinda misangano yebato iri.

VaBvepfe vanoti nhengo dzavo dzakanomhan’ara kumapurisa vanhu vana vakasungwa kunyange nyaya yavo isati yatongwa.

Hatina kunzwa divi reZanu PF mudunhu iri sezvo kanzura wewadhi 4 VaMichael Mutopa nasachigaro wedunhu VaKazemba Kazembe vanga vasinga daviri mbozhanhare dzavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG