Accessibility links

Breaking News

Hurumende yoKurudzirwa kuGadzirisa Hupfumi Kuti Madzimai Asagume Oenda Kunze kwaVanobatwa seNhapwa


Kunyangwe hurumende iri kuti iri kuyedza kumisa vanhu kuenda kune dzimwe nyika dziri kuMiddle East dzakaita seOman neKuwait uko vari kunyeperwa kuti kune mabasa ane mari zhinji asi vachizoguma vobatwa senhapwa kana kubatwa chibharo, madzimai akawanda munyika anonzi achiri kuenda kunyika idzi.

Bazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica reState Department rakaburitsa gwaro rekubatwa kwevanhu senhapwa kana kuti Trafficking In Persons Report mwedzi uno richiti Zimbabwe haisi kuita zvakakwana kumisa dambudziko iri zvinosanganisira kudzika mitemo inoranga vanoita izvi nekupa zvikwanisiro vanoda kurwisa dambudziko iri.

Asi vachipindura gweta mubazi rezvemukati menyika Amai Prisca Madzivirire vakati hurumende iri kuyedza nepainogona napo kumisa dambudziko iri.

Mutungamiri webato rinopikisa reLEAD muzvare Linda Masarira vanoti hurumende inofanirwa kupa madzimai nevasikana mikana ekuti vawane mabasa munyika kuitira kuti vasazowanikwe vachienda kunyika dziri kuMiddle East uko vazhinji venonzi varikumbunyikidzwa kodzero dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG