Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeZanu-PF Yekuti VaChamisa Vaurayiwe Yoferefetwa neMapurisa


Mutungamiri webto reCCC VaNelson Chamisa

Mumwe mukuru wemapurisa Assistant Commissioner T Mushoriwa vanonzi vanyora tsamba iri mumaoko eStudio 7 kugweta rinorwira kodzero dzevanhu Amai Beatrice Mtetwa vachiti vatanga kuferefeta nhengo yeZanu-PF VaAbton Mashayanyika vari kupomerwa mhosva yekukurudzira kuti mutungamiri webato reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa, mhuri yavo nevatsigiri vebato ravo vapondwe.

VaMashayanyika vanonzi vakataura mashoko aya kuvatsigiri veZanu-PF paRampopo Hills kuMberengwa uye ari pavhidhiyo iri kutenderera pamadandemutande.

Amai mtetwa vakatumira tsamba iyi nezuro kumapurisa, kunational peace and reconciliation commission-nprc, kuzec uye kuzimbabwe human rights commission.

kubata vatauriri vezec nenprc asi vange vasiri kudaira nharembozha dzavo kana kupindura mibvunzo yatavatumira.

Mutevedzeri wemutauriri webato reCitizens Coalition for Change VaOstallos Siziba vanoti nyaya yekuda kudeura ropa handi yekutamba nayo nekudaro VaMashayanyika vanofanira kusungwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG