Accessibility links

Breaking News

Russia Youdza Nyika dzemuAfrica Kuti Handiyo Iri Kukonzera Nzara Pasi Rose


VaSergey Lavrov negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaMekonnen kuAddis Ababa
VaSergey Lavrov negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaMekonnen kuAddis Ababa

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muRussia VaSergey Lavrov nhasi vashora nyika dzekumawirira muEthiopia apo vapeta rwendo rwavo rwekushanyira nyika ina dzemuAfrica.

Russia iri kutsvaga rutsigiro kubva kunyika dzemuAfrica zhinji dzacho dzakaramba kushoropodza nyika iyi nekuda kupamba Ukraine.

VaLavrov varamba zviri kutaurwa nenyika dzekumawirira kuti nyika yavo iri kukonzera nzara pasi rose nekurambidza Ukraine kutengesa zvirimwa zvayo

Asi Ukraine inoti iri kutadza kutengesa chibage, fotereza nemafuta ekubikisa pasi rose nekuda kwehondo iyi. Izvi zvapa kutyi mitengo yezvinhu izvi iwedzerwe zvakanyanya pasi rose.

World Food Programme inobatsira pasi rose nechikafu rinoti riri kunetseka kuwana chikafu chekupa vari kuyaura nenzara.

Rwendo rwaVaLavrov rwauya apo America yati ichabatsira Ethiopia nemari inosvika chidumbu chebhiriyoni yemadhora kurwisa nzara munyika iyi.

.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG