Accessibility links

Breaking News

Paramende Yozeya Bhiri reKuvandudza Mashandiro eMasangano Akazvimiririra Oga Riri Kushorwa neUN neMamwe Masangano


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Bhiri rekuvandudza mashandiro emasangano anoshanda akazvimirira, rePrivate Voluntary Organisations (PVO) Amendment Bill rave kuongororwa nekomiti yeparamende yezvemutemo, yeParliamentary Legal Committte (PLC) kuti hari pokani nebumbiro remutemo here mushure mekunge gurukota rezvekugara zvakanaka kwevanhu, Muzvinafundo Paul Mavima, vavandudza bhiri iri.

Vachitara muNational Assembly VaMavima vakati vakavandudza bhiri iri kuti rinyatsojekese kuti masangano anoshanda akazvimirira achanyoreswa sei, achishanda sei uye kuti achadyidzana sei nehurmende.

VaMavima vakatiwo vanofara nemamiriro aita bhiri iri vachiti ravewo kuburitsa pachena kuti mabasa evanopfurikidza mwero pamwe nevano fambisa mari zvisina mwero achadzivirirwa sei.

Asi masangano anoshanda akazvimirira anoti hapana chirikuru chashanduka. Mukuru anoona nekufambiswa kwezvirongwa musango reVeritas VaLizwe Jamela ndemumwe ane muonero uyu.

Vanoti bhiri iri rinoramba risina kumira zvakanaka uye vanoona sekuti hurumende inoda kushandisa bhiri kumbunyikidza masangano anoshanda akazvimirira.

Vaenderera mberi vachiti bhiri iri harina zvarino batsira pakusimudzira chimiro chenyika nehurongwa hwehurumende hwekukwezva vekunze kuti vazotanga mabhizimisi muno.

Sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa, vaudza Studio 7 kuti hapana chakanyanyo chinjwa naVaMavima uye vati vakatosimbisa zvagara zviripo.

Vanotiwo kana bhiri iri rikapasa sezvariri vachaenda kumutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vomukumbira kuti vasarisaina asi vakati havawoni vachibudirira panyaya. Nekuda kwazvozvo vatiwo vachaenda kumatare vachipikisa mutemo uyu.

Vachinyora mubepanhau reSunday masvondo adarika VaMnangagwa vakati vari kuda kuti bhiri iri ripasiswe vachipomera masangano akazvimirira mhosva yekushanda nehurumende dzekunze kuda kupidigura hurumende yavo.

Vanokokera nhengo dzebato reCitizens Coalition for Change mu mudare reparamende VaProsper Mutseyami, vaudza Studio 7 kuti bato ravo haritsigiri bhiri iri.

Asi vanokokera nhengo dzeZanu PF muNational Assembly, VaPupurai Togarepi vachiti vanoritambira.

Nhume yeUnited Nations kana kuti UN Special Rapporteur on Freedom of Association, VaClement Voule avo vakashanyira Zimbawe gore rapfuura, vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti dai paramende ye Zimbabwe yatarisisa zvakataura pamusoro pebhiri iri zvekuti bhiri iri rinogona kukanganisa mashandire emasangano anoshanda akazvimirira kana rikasagadziriswa.

Izvi zviri kutsigirwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu achiti richakanganisawo kupihwa kwevanhu zvekudya nemasangano aya nezvimw.

Vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaramba kusaina bhiri rakaita seiri muna 2004 mushure mekunga masangano anoshanda akazvimirira achema chema kuti raityora kodzero dzavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG