Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Mabasa kweVatyairi veStrauss Logistics Kunopinda muZuva reChimakumi Mashanu Pasina Tarisiro yeKugadziriswa kweDambudziko Ravo


Vatyairi vemagonyeti vekambani yeStrauss Logistics vanonzi vave nemazuva anosvika makumi mashanu vachiramwa mabasa.
Vatyairi vemagonyeti vekambani yeStrauss Logistics vanonzi vave nemazuva anosvika makumi mashanu vachiramwa mabasa.

Kuramwa mabasa kwevatyairi vemagonyeti vekambani inotakura zvinhu yeStrauss Logistics kuri kuenderera mberi kuchipinda muzuva rechimakumi mashanu pasina tarisiro yekuti zvinhu zvichakasika kugadzirisika.

Vashandi ava vanonzi vakatanga kuramwa mabasa musi wa 08 Chikumi vachinyunyuta nekwavanoti kushungurudzwa kwevamwe vashandi, zvikuru vanovamirira munhaurirano.

Munyori wesangano rinomirira vashandi vari muboka rekutakurwa kwezvinhu, reZimbabwe Haulage Truck Drivers’ Union, VaKennedy Tichaona Masese, vanoti vashandi ava vakazotora danho rekuramwa mabasa mushure mekushungurudzwa nevashandirwi kwehutungamiri hwekomiti inovamirira munhaurirano dzemihoro nemashandiro avo, uye kusabudirira kwenhaurirano.

VaMasese vanoti kushungurudzwa kwevashandi uku kwakazosvitsa pakupambwa nekumbotsakatika kwemunyori wekomiti anomirira vashandi kuStrauss Logistics, VaRobert Muwawa, avo vanonzi vakazowanikwa vakakandwa mune kamwe kasango kuKambuzuma kwapera mazuva mana.

Asi vamwe vanoti vanoona sekunge kushungurudzwa kwevashandi veStrauss Logistics kunogona kunge kuine chekuita nezvematongerwo enyika vachiti vashandi vakawanda vari kutambira nhare dzinobva kune vanhu vasingazivikanwe vanenge vachivavhundutsira.

Vashandi vanodarika zana nemakumi mashanu vanonzi vari pakuramwa mabasa uku, uye vamwe vashandi vari mukutakurwa kwezvinhu mudunhu reSADC vanonzi vari kutsigira danho rakatorwa nevamwe vavo.

Nyaya iyi inonzi yave kudare rinoona nezvenyaya dzevashandi reLabour Court mushure mekunge kambani yakwidza nyaya iyi ikoko.

Studio 7 yabata mukuru anoona nezvevashandi, kana kuti Head of Human Resources wekambani yeStrauss Logistics, VaTavonga Machigere, kuti tinzwe divi rekambani yavo panyaya iyi asi vati havana chekutaura pamusoro pezvazvo.

Hurukuro naVaKennedy Tichaona Masese
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG