Accessibility links

Breaking News

Russia Yoyedza Kusimbaradza Hukama neAfrica


Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muRussia VaSergey Lavrov nemutungamiri weUganda VaYoweri Museveni
Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muRussia VaSergey Lavrov nemutungamiri weUganda VaYoweri Museveni

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe muRussia VaSergey Lavrov vari kutarisirwa mangwana kuita misangano nevamiriri vedzimwe nyika dzemuAfrica kumuzinda weAfrican Union kuEthiopia kuyedza kusimbaradza hukama.

VaLavrov vakatoshanyira Egypt, DRC uye nhasi vari kuUganda vasati vanda kuEthiopia.

Mushure mekutemerwa zvirango nenyika dzakabudirira ichipomerwa mhosva yekuda kupamba ukraine, russia iri kutsvaga nyika dzekudyidzana nadzo. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava kana mutevedzeri wavo VaDavid Musabayana kuti tinzwe divi rehurumende.

Asi mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party Doctor Wurayayi Zembe vaudza Studio 7 kuti kudyidzana kweZimbabwe neRussia hakuna zvinobatika zvakwaunza kuZimbabwe zvikuru munyaya dzezvehupfumi vachipa muenzaniso wekutadza kubudirira kwechibvumirano cheZimbabwe nekambani yekuRussia yeVI Holdings kuGreat Dyke, Darwendale chekuchera platinum.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG