Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Voramwa Mabasa Kutanga Mangwana Chitatu


Rimwe remasangano anomirira vashandi vehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions rinoti hurongwa hwaro hwekuramwa mabasa kwemazuva maviri kubva mangwana hwave pachinhanho chepamusoro ukuwo mamwe masangano anomirira will vamwe vashandi vakaita sevadzidzisi nevemuzvipatara achiti achitsigirawo hurongwa hwekuramwa mabasa uhwu.

Murongi wemisangano musangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaCharles Chinosengwa, vaudza Studio 7 kuti vagadzirira zvakakwana kuti varamwe mabasa kwemazuva maviri kubva mangwana.

VaChinosengwa vatiwo hutano hwevashandi huri panjodzi sezvo hurumende isiri kubhadhara mari dzavo dzekuti varapwe.

Mamwe masangano anomirira vamwe vashandi vehurumende akaita seevadzidzisi pamwe nevashandi vemuzvipatara anotiwo achabatana nesangano reZipcostu mangwana apo vashandi vehurumende vachange vari kudzimba dzavo vasiri kuenda kubasa.

Mutevedzeri wemunyori musangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaMunyaradzi Masiyiwa, vati yasvika nguva zvino yekuti masangano anomirira vashandi vehurumende aite chirwirangwe kuitira kuti vashandi vawane mari dzemihoro dzinokwana zvavanenge vachida mukurarama.

VaChinosengwa vati nhaurirano nehurumende pasi peNational Joint Negotiating Councik hadzina chadziri kuburitsa sezvo vachiti vashandi vari kutarisirwa pasi.

Asi gurukota rinoona nezvevashandi, VaPaul Mavhima, vanoti vashandi vanofanira kuita nhaurirano pasi pegungano reNJNC kuti nhuna dzavo dzigadziriswe.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati mapurisa achange achichengetedza runyararo mangwana ne musi weChina vachiti vanhu vose vanoita zvekuratidzira vanofanira kuita izvi vachitevedzera mitemo yenyika.

Zipcostu inoti kuratidzira kwakasimba kuchaitwa muna Gunyana kana hurumende ikaenderera mberi yakaisa zvitanda munzeve iingagadzirise nhuna dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG