Accessibility links

Breaking News

VaMafume Vanoti Kanzuru Yavo Yakazvipira Kuvandudza Guta reHarare


VaJacob Mafume

Kanzuru yeHarare inoti yakazvipira kuita mabasa ainotarisirwa kuita kusimudzira hupenyu hweveruzhinji pamwe nebudiriro zvisinei nematambudziko akatarisana nekanzuru iyi uyewo zvisinei nekushoropodzwa kwavakaitwa nemutungamiriri wenyika nezuro.

Mumashoko avo kuvagari vemuHarare avatura nhasi kana kuti State of the City Address, meya weguta reHarare, VaJacob Mafume vati chinangwa chavo ndechekuti mari inowanikwa nekanzuru yeHarare ishandiswe nemazvo kusimudzira mabasa ekanzuru.

VaMafume vati dambudziko guru rava rikusangana naro sekanzuru kuwana mari yekushandisa kuzadzikisa zvinotarisirwa neveruzhinji.

Vatiwo chimwe chiri kudzorera mabasa ekanzuru kumashure kusava nevashandi vakuru vanotungamirira mabasa ekanzuru vakakwana vachiti vanoda kuti kanzuru yavo ipiwe masimba nehurumende ekutsvaga vashandi vekanzuru pasina kushanda nebazi rinoona nezvematunhu sezviri kuitika parizvino.

Panyaya yezvibvumirano zvisingatsigirwi nevagari, VaMafume vatiwo havasi kuzorega kanzuru yemuHarare ichitorerwa mari yebudiriro yematunhu kana kuti devolution sezvakavimbiswa nehurumende pachibvumirano chakonzera mutauro chegomba remarara rePomona Dump Site.

Kanzuru yanga iri kunetsana negurukota rezvekutongwa kwematunhu VaJuly Moyo pamusoro pechibvumirano chiri kunzi chakaitwa neguta reHarare neimwe kambani yekuNetherlands yeGeogenix BV icho chinosungira kanzuru kuti ibhadhare mari inosvika zviuru makumi maviri zvemadhora ekuAmerica pazuva kurasa marara kuPomona. VaMoyo nemutevedzeri wavo Amai Marian Chombo havasi kudavira nharembozha dzavo kuti tinze divi rehurumende.

Nezuro mutungamiriri wenyika vaEmmerson Mnangagwa vachitaura pakuradzikwa kwe vaive gurukota redunhu reHarare VaOliver Chidawu vakashoropodza kanzuru yeHarare vachiti yaitungamirirwa nevanhu vanoda kuzvipfumisa uye vasinei nebudiriro.

Asi VaMafume vatiwo vaMnangagwa nebato ravo ndivo vauraya nyika sezvo vatadza kusimudzira hupfumi zvinozoita kuti zvivewo nyore kuti vakwanise kuita mabasa avo.

Vaimbove meya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni vatiwo vagari vese wemuHarare vanofanirwa kubata pamwechete kusimudzira guta.

VaReuben Akili vanoshandawo nerimwe sangano rinomiririra vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association (CHRA) vatiwo vafara kuti kanzuru yaratidza kuti ikuterera vagari. Asi vati kanzuru inofanira kugadzirisa nyaya dzehuori.

Mumwe mukuru mubandiko revechidiki mubato reZanu PF, VaTaurai Kandishaya vati zvataurwa nekanzuru nhasi ndizvo zvavanotarisirwa kuti vagare vachiita asi vakati nekusafambisa mari zvakanaka hapana chinobuda.

Kanzuru yatiwo inoda kuderedza huori huye iri mushishi yekugadzirisa kuti mitero yemvura, marara nezvimwe ibhadharwa pamadandemutande (digitilisation). Vatiwo vachakurudzira kuvakwa kwemadhamu matsva kuti vagary vawane mvura inovakwanira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG