Munyori wesangano reZimbabwe Soccer Supporters Association VaJoseph Mutawu vorumbidza danho reSouth African Football Association rekuwedzera mari dzinopihwa madzimai mushure mekunge chikwata cheBanyana Banyana chasimudza mukombe weWomens Africa Cup Of Nations. South africa yakakunda nyika yaiitirwa makundano aya yeMorocco 2-1.
VaMatawu vari kurudzirawo kuti sangano reZimbabwe Football Association kuti ridzidze kubva kuSouth Africa panyaya yekubhadhara vatambi venhabvu vechidzimai.
Vatiwo chikwata chema Mighty Warriors chemu nyika chinofaranirwa kupihwa ruremekedzo rwunopihwa maWarriors kuitira kuti madzimai asawore moyo panyaya yekutamba nhabvu.
Facebook Forum