Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Vanhu Vashoma Ndivo Vakatarisa Mazita Avo Mugwaro reVavhoti


Sachigro weZEC Amai Priscilla Chigumba

Chirongwa chekuongorora kuti mazita evanhu vakanyoresa kuvhota arimo here mugwaro revavhoti kana kuti voters roll chapera nhasi, Zimbabwe Electoral Commission-ZEC- ichiti vanhu vashoma vakaongorora mazita avo.

Mumashoko padandemutande reTwitter, Zimbabwe Electoral Commission yati kubva musi wa24 kusvika nemusi wesvondo, vanhu vanodarika miriyoni imwe chete kana kuti 1, 191, 320 ndivo vange vatarisa mazita avo mugwaro revavhoti vachishandisa dandemutande nekudzvinya *265#. Vamwe vanodarika zviuru mazana matatu kana kuti 352 284 ndivo vainge vaenda kumahofisi eZEC kunotarisa mazita avo.

Vanhu vakanyoresa kuvhota vanodarika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana manomwe kana kuti 5, 7 million.

Mukuru weZEC mudunhu reMashonaland West, VaAustine Ndlovu, vanoti kunyange chirongwa ichi chapera vanhu vakawanda havana kunoongorora mazita avo sezvange zvakatariswa.

VaNdlovu vanoti pamwe izvi zvakakonzerwa nekuti vamwe vanhu vakatarisa kuti mazita akanyorwa mugwaro iri vachishandisa dandemutande reWhatsApp

Sachigaro werimwe sangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network -ZESN- VaAndrew Makoni vanoti huwandu uhwu hushoma zvichienzaniswa nevanhu vanodarika mamiriyoni mashanu vanonzi vari mugwaro revavhoti.


VaMakoni vanoti zvinyora zvanga zvichinongedzera nzvimbo dzanga dzichiongororwa mazita zvanga zvisingawoneke zvakanaka.

Vakafanoata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato reCitizens Coalition for Change VaOstallos Siziba vati nyaya yekushaya chivimbo neZEC ndiyo yoodza vamwe moyo.

Mutauriri webato rinopikisa reMDCT VaWitness Dube vanoti vakakurudzira nhengo dzebato ravo
kuti dzinoongorora mazita uye kuti hurumende

vAMukuru wesangano rakazvimirira rePlatform for Youth and Community Development VaClaris Madhuku vanoti dambudziko guru ndere kuti vechidiki vakawanda havasi kuremekedza nyaya dzekuvhota.

Dzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti nyaya yekunovhota haicharemekedzwawo nevakawanda nekuda kwekuti vanhu vave nepfungwa kuvhota hapana chakunoshandura munyika. vachiti kupedza nguva. Zimbabwe iri kuita sarudzo mwedzi unouya.

Nyaya in Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG