Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yochema Kuti Zvirongwa zveHurumende zveKuvandudza Hupfumi Hazvina Kunangana neVashandi Zvichirevera Kuparurwa kwe Mari ine Goridhe


Mari itsva ine goridhe yakatanga kutengeswa neReserve Bank of Zimbabwe neMuvhuro.
Mari itsva ine goridhe yakatanga kutengeswa neReserve Bank of Zimbabwe neMuvhuro.

Sangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti zvirongwa zvizhinji zvekuvandudza hupfumi zvinoparurwa nehurumende hazvina zvikuru zvazvinobatsira mukuvandudza hupenyu hwevashandi sezvo zvirongwa izvi zvichinyanyotarisa vari kumusoro.

Izvi zvinotevera kutanga kutengeswa kwemari yemasendi ane goridhe kana kuti Gold Coins munyika senzira yekutsigira nayo dhora remunyika kwakaitwa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ.

Mari itsva iyi yakatanga kutengeswa mumabhanga neMuvhuro nemutengo wemadhora ekuAmerica chiuru nemazana masere nemakumi maviri nematatu nemasendi makumi masere, kana kuti US$1 823.80.

Nemari yemunyika mari iyi iri kutengeswa nezviuru mazana masere nezvishanu nemazana manomwe nemakumi mana nemashanu nemasenzi makumi matatu nemashanu, ZWL805 745.35 pa coin rimwe chete.

Pamusoro pemutengo uri kutengeswa nawo masendi aya, panozoiswawo zvikamu zvishanu kubva muzana zvakanangana nekugadzirwa kwemari iyi, kana kuti production cost.

Asi hurongwa uhwu hunonzi nemunyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, hahuneyi nevashandi vakawanda sezvo vasingafi vakakwanisa kutenga mari iyi nekuda kwemihoro yavo yavanotambira.

VaMoyo vanoti panguva ino vashandi vari kuti dai vatambiriswa mihoro yavo nemari yekuAmerica, uye kuti mitengo yezvinhu iri kungokwira zuva nezuva imiswe, asi havaoni kuuya kwemasendi ane goridhe aya kuchivabatsira.

Mashoko aVaMoyo anotsigirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, avo vanotiwo havaoni vanhuwo zvavo vachikwanisa kutenga mari ine goridhe iyi nekuda kwemutengo wayo.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachitaura vakazvimirira, VaKipson Gundani vanoti fungidziro yebhanga guru renyika yekufunga kuti vanhu vachatanga kuchengetedza mari dzavo dzekunze kuburikidza nekutenga mari itsva iyi inogona kunge isiri kuzobuda saizvozvo sezvo vachiona vanhu vachitenga mari idzi vachishandisa mari yemunyika.

VaGundaNi vanoti havaoni kuvepo kwemari itsva iyi kuchibatsira kusimbisa mari yemunyika vachiti panofanirwa kutsvagwa nzira dzekudzivirira nadzo mari yemunyika kuti isarambe ishishaya simba.

Kunze kwekunge patsvagwa nzira dzekugadzirisa dambudziko remutengo wemari itsva ine goridhe inonzi naVaKuchera icharamba iri mumaoko evanhu vari kungofambisa musika wemari mutema sezvo vari ivo vacharamba vachiwana mukana wekutenga mari idzi.

Studio 7 yakundikana kubata gavhuna veRBZ, Doctor John Mangudya, kuti tinzwe kuti mari iyi iri kutambirwa sei neveruzhinji kubva zvayaparurwa, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi VaMangudya vaudza sangano renhau repadandemutande, re The NewsHawks kuti mari iyi iri kudiwa zvakanyanya pamusika.

Chasara ndechekuona kuti pane zvichaitwawo here kuti vepasi vakwanisewo kutenga mari iyi, uye kuti iri kukwanisa here kushanda basa rayakasikirwa, rekutsigisa huremu hwemari yemunyika pamwe nekumisa kukwira kwemitengo yezvinhu, kana kuti inflation.

Nyaya yezvehupfumi ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG