Accessibility links

Breaking News

VaChidawu Voradzikwa veZanu-PF neCCC Vachikakavadzana Kuti Ndiyani Auraya Maguta


Heroes Acre

Vachiradzika Senator Oliver Mandishonha Chidawu neMuvhuro, kumarinda eHeroes Acre mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati nyika yakarasikirwa negamba raive nechido chekuona budiriro yeHarare.

Vakatiwo havaoni guta reHarare richibudirira nekuda kwemhando yemakanzura aripo. Asi mamwe makanzura eHarare anoti Zanu PF ndiyo irikuuraya guta .

VaMnangagwa vakashoropodza zvakanyanya makanzura eguta reHarare vachiti havana chido chekusimudzira hupenyu hweveruzhinji vachiti vakangopinda pazvigaro kutsvaka hupfumi.

Vakatiwo chaive chishuvo chemushakabvu VaChidawu vaive gurukota redunhu reHarare kuona budiriro kweguta asi vakati havaoni izvi zvichigoneka.

Vakatiwo apo nyika yakatarisana nesarudzo gore rinouya, zvakakosha kuti veruzhinji vavhotere bato ravo reZanu PF kumakanzuru emumadhorobha neekumamisha vachiti makanzuru mazhinji ange aurayiwa nevanhu vekumapato anopikisa avo vange varikuvhoterwa nevanhu vachiti vanga vasina budiriro yavanga vari kuunza.

Izvi zvatsigirwawo nemukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba avo vatiwo havaoni makanzura eHarare ane hanya nenyaya dzebudiriro.

Asi kanzura weWard 16 muHarare, VaDenford Ngadziore vanova nhengo yeCitizens Coalition for Change vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa vanoda kungosvibisa mapato anopikisa vachiti bato reZanu PF ndiro rauraya makanzura akawanda munyika kusanganisira kanzuru yeguta reHarare.

VaMnangagwa vakarumbidza VaChidawu samuzvinabhizimisi aida nyika yake.

Vakakurudzirawo vemabhizimusi kuti vakoshese kuvaka nyika vachiti izvi ndozvaiitwa nemushakabvu. VaMnangagwa vakatiwo kune vamwe vasingadi kuona budiriro yenyika pamwe neyehurumende yavo avo vasina kudomwa nemazita.

Vatiwo hurumende yavo haidi zvemhirizhonga uye inoda kuti vemabhizmisi vauye kuzouchika mari yavo munyika.

Mumwe mugari wemuHarare VaCuthbert Jeff vatiwo guta reHarare rarasikirwa zvikuru vachiti vaChidawu vakatungamirira guta reHarare vachiri mudiki.

VaChidawu vakasarudzwa kuva Kanzura weKambuzuma Ward 1 muna 1981 vakazoitawo meya weHarare muna1984. Vasiya mudzimai Spiwe Chidawu nevana vatatu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG