Accessibility links

Breaking News

RBZ Yoparura Mari yeMaGold Coins


Gavhuna John Mangudya
Gavhuna John Mangudya

Reserve Bank of Zimbabwe (RBZ) nhasi yaparura mari itsva yemasendi egoridhe kana kuti "gold coins" ane mufananidzo wemapopoma eMosi-Oa- Tunya zviuru zviviri.

Mari iyi yatanga kutengeswa mumabhanga nemutengo wemadhora ekuAmerica churu nemazana masere nemakumi maviri nematatu nemasendi makumi masere, US$1 823.80 kana maRTGS zviuru mazana masere nezvishanu nemazana manomwe nemakumi mana nemashanu nemasenzi makumi matatu nemashanu, ZWL805 745.35 pacoin rimwe chete

Vachiparura mari iyi gavhuna weRBZ, Doctor John Mangudya, vati anokwanisa kutengwawo nedzimwe mari uye vati huwandu hwemaCoins aya huchawedzerwa kumabhanga zvichienderana nekudiwa kwaanenge achiitwa.

Vati magold coin s aendeswa kumahofisi makuru emabhanga vachiti mabhanga aya ndoachazoaendesa kumativi mana enyika.

Kumadhorobha akawanda munyika akaita seChinhoyi neMasvingo mabhanga ange asati ave nemagold coins aya.

VaMangudya vati vachawedzera huwandu hwenzvimbo dzekutengesera magold coins aya uyewo vati vachazoisa pamusika mari yegoridhe iyi ine mutengo uri pasi kuti vese vanooda vakwanise kuatenga.

Vati vanotaririsira kuti kuparaurwa kwemagold coins nhasi kuchadzikamisa mitengo yezvinhu nepamusika wemari yekunze.

Vati veruzhinji vakasununguka kutenga magold coins aya pamwe nekutengesa pavanodira.

Mutengo wemagold coin aya unoenderana nemutengo wegoridhee pasi rese uye kutanga mangwana chaiwo RBZ ichange ichiburitsa mutengo wegoridhe pamusika wepasi rese kuitira vaya vanoda kutenga kana kutengesa magold coins avo.

Asi vakafanobata chigaro chemutevedzeri webato rinopiksa reCCC uye vaimbova gurukota rezvemari VaTendai Biti vati havaone mari iyi ichibatsira kudzikamisa dhora remunyika.

Mumwe mugari wemuHarare, VaStan Nyatsanza vanoti pane dzidziso yakawanda pamusoro pehurongwa uhu,

Asi vati chinonetsa muZimbabwe inyaya yekuti veruzhinji havachina chivimbo nemabhanga kusanganisira RBZ yacho uye vakati varombo havana chavo pamari tsva iyi.

Izvi zvatsigirwa naAmai Martha Nyoni vati ichi chirongwa cheshoroma.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaNyasha Muchichwa, vaudza Studio 7 kuti chirongwa ichi chakanakira kuti vaye vaida kuchengeta mari yavo ari madhora ekuAmerica vave kutenga maGold Coins aya asi vachiti chirongwa cheshoroma..

Vanoongorora nyaya dzemagariro evanhu, VaItai Ruben Mbofana vaudza Studio 7 kuti vakawanda zvikuru sei vashandi vehurumende havakwanisi kupinda pachirongwa ichi nekuda kwemutengo wacho vakati vacharamba vachienda kunotenga madhora ekuAmerica pamusika mutema.

Hatina kukwanisa kubata mutungamiriri weBankers Association of Zimbabwe Amai Sibongile Moyo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

RBZ inotarisirwa kuti danho rayatora nhasi richadzikisa musika wemukoto sezvo ichitarisira kuti vese vaisienda pamusika uyu vanenge vave kutenga maGold Coins senzira yekuchetedza mari dzavo.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mari iyi haina zvakanyanya zvichabatsira kana hurumende iaksavandudza hupfumi kuti ikwanise kutengesa zvakawanda kunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG