Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau yaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 25, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Pane mashoko ekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaendeswa kumatare kuAustralia naMuzvare Susan Mutami avo vari kuvapomera mhosva yekuvabata chibharo kwemakore akawanda kubva vaine makore gumi nemashanu. Asi mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba vaudza bepanhau reZimlive kuti inyaya dzemakuhwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voradzika gamba renyika VaOliver Chidawu vachishora bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change.

Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vaparura mari yemasendi itsva yegoridhe kana kuti gold coins muHarare nhasi

World Health Organization inoti monkeypox yave kubatwa sechirwere chinogona kukonzera matambudziko akawanda pahutano hwevanhu nekupararira pasi rose kana kuti global health emergency.

Vanhu vanorwarara rwara nenyongo isingarapike nemishonga vokurudzirwa kuti vanovhenekwa chirwere chegomarara.

CAF inoti haitambire kusarudzwa kwebhodhi itsva reZIFA rinotungamirirwa naVaGift Banda uye ichiudza ZIFA kuti isashandise mari dziri kubva kuFIFA,

Muchirongwa chedu cheLivetalk na8pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekuparurwa kwemasendi matsva egoridhe nagavhuna weRBZ Doctor John Mangudya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG