Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vari kutarisirwa mangwana kuparura mari yemasendi egoridhe kana kuti “gold coins”.
VaMangudya vanoti mari iyi inenge iine mufananidzo wemapopoma eMosi-oa-Tunya uye anokwnisa kuendeswa kubhanga kuti munhu apihwe mari kwapera mazuva zana nemakumi masere kana kuti mwedzi mitanhatu.
VaMangudya vanoti vanokwanisa kushandisa mari iyi senzira yekuchengetedza hupfumi hwavo sezvo vakawanda vasisina chivimbo nedhora remunyika. Vanoti vanofunga kuti mari itsva iyi ichabatsira mukudzikamisa hupfumi hwenyika.
Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga VaGilbert Muponda vanova nhengo yeZanu-PF vanoti zviri kuitwa izvi zvinobatsira kudzikamisa dhora remunyika vachiwedzera havo kuti panoda kuramba pachitorwao mamwe matanho ekudzikamisa hupfumi.
Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vaudza Studio 7 kuti havaone masendi matsva egoridhe aya acgibatsira kudzikamisa mari yemunyika.
Facebook Forum