Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoramba Mashoko eKuti Vanhu Vavhota muSarudzo dzeBy-Election kuChipinge Ward 16 Vanga Vachimanikidzwa Kuratidza Pavavhotera


ZEC
ZEC

Sarudzo dzema by-elections dzaitwa nhasi kuChipinge Rural District Ward 16 nekuKariba Ward 5, dzinonzi dzafamba zvakanaka kunyange hazvo kuchinzi kwanga kuine huwandu hwevanhu vabatsirwa kuvhota, zvikuru kuChipinge.

Zvinonziwo kuChipinge vamwe vanhu vanga vachiudzirwa pekuvhotera uye kuti vatore mifananidzo yemagwaro ekuvhotesa kana vasarudza vavanoda kuratidza kuti vavhotera ani.

Asi Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yaburitsa mashoko ekuti manyepo kuti vanhu vavhota musarudzo yeWard 16 by-election kuChipinge Rural District vanga vachimanikidzwa kutora mifananidzo yemagwaro ekuvhotesa vachiratidza pavavhotera.

Mashoko aburitswa nemukuru wezvesarudzo muZEC, VaUtoile Silaigwana, anoti vashandi veZEC vanoziva chose kuti zviri kunze kwemutemo wesarudzo kuti vanhu vatore mifananidzo panzvimbo dziri kuvhoterwa, kunze kwekunge vatopiwa mvumo. Vanotiwo zviri kunze kwemutemo kuti munhu aratidze paavhotera.

Kunyange hazvo paita zvimhingamipinyi zvakadai, vanhu vanonzi vabuda kunovhota vane huwandu zvichienzaniswa nesarudzo dzema by-election dzadarika.

Vanga vachitevera sarudzo idzi vari kuChipunge Rural District Ward 5, mukuru vesangano revechidiki rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vaudza studio 7 kuti dzafamba murunyararo asi vaona kuti vanhu vanga vachibatsirwa kuvhota vanga vakawandisa.

VaMadhuku vatiwo vaona kuti madzimai ndiwo anga akawanda kudarika vanhu vose vavhota.

KuKariba, mukuru anoona nezvemabasa musangano rinoongorora sarudzo, reElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vanotiwo kunyange hazvo sarudzo dzose dzaitwa murunyararo, sangano ravo raona kuti vanhu vanga vachinovhota vari muzvikwata zvikwata, zvikuru kuChipinge, kuita sekunge vanga vachiita zvekutinhwa.

VaKwikwidzana kuChipinge vanoti Amai Gladys Muposhi veZanu PF, Va Rapheus Sithole veCCC, VaRemeredzai Ziki veNational Constitutional Assembly pamwe naVaZachariah Sigauke vebato re Patriotic Zimbabweans.

Vakwikwidzana kuKariba ndaVaKudakwashe mafusire veZanu PF naVaTonderai Chikwati veCCC. Zvabuda musarudzo zvanga zvisati zvaziviswa pataenda pamhepo.

Hurukuro naVaSolomon Bobosibunu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG