Accessibility links

Breaking News

Masangano eVechidiki Ari Pasi peNational Association of Youth Organisations Okurudzira Hurumende Kumbomira Kudzora National Youth Service


Vechidiki vokurudzira kumbosendekwa kwechirongwa chevechidiki cheNational Youth Service.
Vechidiki vokurudzira kumbosendekwa kwechirongwa chevechidiki cheNational Youth Service.

Masangano anomirira vechidiki munyika pasi peNational Association of Youth Organisations (NAYO) anoti hurumende ngaimbomira kudzora chirongwa cheNational Youth Service kudzamara yaongorora mhosva dzese dziri kupomerwa vechidiki vakambopinda muzvirongwa zvakadai kuti apo chakaparurwa muna2001 kusvika pachakimiswa muna 2007.

Izvi zvataurwa nemukuru anoona nekufambiswa kwezvirongwa muNAYO, VaMacdonald Munyoro, muchichemo chavo kuparamende zvichitevera, hurongwa hwehurumende hwekuda kumutsiridza chirongwa cheNational Youth Service.

VaMunyoro vati chimwe chikuru chinodiwa kuongorora kutyorwa kwekodzero dzevanhu kwakaitwa nevechidiki vakapinda muchirongwa ichi pachakatanga.

VaMunyoro vati chirongwa cheNational Youth Service chakanaka asi hurumende inofanira kutanga yagadziriswa zvakakanganisa chirongwa ichi pekutanga uyewo kuti panofanira kuve nemuonera pamwe munyika kuti chirongwa ichi chofambiswa sei.

Vechidiki vakapinda muchirongwa ichi vaipomerwa mhosva dzekuita zvematongerwo enyika vakarerekera kubato reZanu PF uye kushandiswa muzvirongwa zvaityora kodzero dzevanhu zvakaita seOperation Murambatsvina.

Masangano akaita seAmnesty International, Amani Trust neZimbabwe Women Lawyers’ Association akaburitsa humbowo achipomera vechidiki ava mhosva dzakawanda dzakaita sekubata chibharo nekurova vanhu.

Nekuda kwaizvovo, VaMunyoro vati vakawanda munyika vanotya kana vakanzwa nezvechirongwa cheNational Youth Service.

Vakaudzawo komiti yeparamende inoona nezvevechidiki kuti paramdare reparamende rinofanira kuona kuti hurumende yanzwa pfungwa dzeveruzhinji chirongwa ichi chisati chatangwa vakatiwo hachifaniri kupindirwa nezvevematongerwo enyika, vechiuto uye vachidiki havafaniri kumanikidzwa kupinda muchirongwa ichi.

VaMunyoro vatiwo paramende inofanira kuumba mutemo unotungamira chirongwa ichi pamwe nekuti zvinhu zviitwe zvakajeka.

Izvi zvatsinhirwa nemukuru werimwe sangano rinomirira vechidiki reYouth Forum, VaAvoid Masiraha.

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaStephen Sarkozy Chuma,vaudza Studio 7 kuti donzvo rechirongwa ichi rakanaka asi rinozovhiringwa nekuita zvematongerwo enyika.

Imwe nhengo yeZanu PF Youth League, VaPeter Matangi, vaudza Studio 7 kuti kudzorwa kwechirongwa cheNational Youth Service chakanaka vachiti chinoenderana nehurongwa hwevechidiki munyika hweNational Youth Policy.

Sachigaro wekomiti inoona nezvevechidiki, Rtd Major Mathias Tongofa, vati komiti yavo ichanzwawo kubva kugurukota rinoona nevechidiki pamwe neveruzhinji munyika uye ichazotura gwaro rayo kuparamende kuti izeye zvinenge zvabuda mutsvakurudzo yavo chirongwa ichi chisati chaparurwazve.

Dare remakurukota rakaita chisungo muna Kubvumbi gore rino chekudzora chirongwa ichi uye pari zvino pari kurongwa hwaro hwekutangisa chirongwa ichi.

Nyaya yevechidiki veNational Youth Service ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG