Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inovimbisa Zvakare Kuferefeta Nyaya Dzose Dziri Kupomerwa Mamwe Makambani eZvizvarwa zvekuChina


Makambani ekuChina ari kushanda ari munyika ari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevashandi.
Makambani ekuChina ari kushanda ari munyika ari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevashandi.

Hurumende yavimbisa zvakare kuti ichaferefeta nyaya dzose dziri kupomerwa mamwe makambani ezvizvarwa zvekuChina zviri kupomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevashandi.

Izvi zviri kuuya hazvo apo muzinda weChina muZimbabwe uri kupomerwawo mhosva yekutyisidzira bepanhau reThe Standard rakanyora dzimwe nyaya dzine chekuite nezvimwe zvizvarwa zvenyika iyi.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vanoti hurumende iri kuferefeta makambani ose anonzi ari kutyora kodzero dzevashandi semashoko ezvegurukota rezvevashandi muparamende neChitatu.

VaParadza vaenderera mberi vachiti makambani ekunze anobvumirwa kudyara mari munyika vachitevedzera mutemo.

Izvi zviri kuuya paita ropa rakaipa pakati pebepanhau reThe Standard nemuzinda weChina muZimbabwe.

Muzinda weChina uri kupomerwa mhosva yekutyisidzira vatori venhau veThe Standard vakanyora nyaya dzaipomera zvimwe zvizvarwa zvenyika iyi mhosva dzekutyora kodzero dzevashandi.

Bepanhau iri rakanyorawo nyaya richipomera zvizvarwa zvekuChina mhosva yekusvibisa nharaunda, kuba zvicherwa, kutyora kodzero dzevashandi uye kuita zvehuori.

Mutevedzeri wemupepeti wenhau mukuru weThe Standard, VaTangai Chipangura vanoti havasi kuzobvuma kutyisidzirwa kuti vasanyore nyaya dzakadai. Vaenderera mberi vachiti vakapa mukana wekupindura makambani aipomerwa mhosva aya asi akaramba kupa divi ravo.

Asi mutauriri wemuzinda weChina muZimbabwe akanyora padandemutande reTwitter achipomera bepanhu iri mhosva yekunyora nyaya dzekunyepa.

Mutauriri uyu asina kudomwa nezita akatiwo The Standard iri kunyora manyepo ari kushambadzirwa nemasangano akazvimirira anowana rutsigiro kubva kunyika yeAmerica akaita seInformation for Development Trust-IDT-ane chinangwa chekukanganisa hushamwari hwenyika yeChina neZimbabwe.

Muzinda weChina wakavimbisa kutorera vatori venhau ava matanho akaomarara asi avasina kutaura kuti ndeapi.

Asi VaChipangura vanotiwo nyaya dzavakanyora dzine humbowo hwakakwana.

VaChipangura vanoti makambani aya akasungunuka kuuya nehumbowo hunopikisa zvavakanyora kana kuenda kunomhan’ara kusangano reVoluntary Media
Council of Zimbabwe kuti rivayananise. Vatiwo kuvhundutsira vatori venhau hazvigadzirise nyaya dziri kupomerwa makambani aya.

Mutauriri uyu akaenderera mberi achiti kusvibiswa kwaanoti kuri kuitwa China uku inzira yekuti vanodyara mari vasauye kuZimbabwe uye kuti Zimbabwe itadze kurwisa zvirango zvehupfumi zvayakatemerwa nenyika dzekumavirira.

Mushandi mubazi rezvekuburitswa kwemashoko pamuzinda weAmerica munyika VaSizani Weza vanobvuma kuti vakaona chinyorwa chakaburitswa ichi asi vanoti hachitaure chokwadi maererano nerutsigiro rwavanopa kumapepa nhau akazvimirira.

Vanoti kutorwa kwenhau zvakasununguka zvine hunyanzvi ndiwo musimboti wehutongi hwejekerere.

Nyanzvi munyaya dzezvekuburitswa kwemashoko, VaRashweat Mukundu vanoti mashoko emuzinda weChina anotoratidza simba guru rine nyika yeChina pamusoro pehurumende nekusatevedzera mutemo uripo kare unogona kutorwa neuyo asina kufara nezvinenge zvanyorwa.

Izvi zvinotsigirwa nasachigaro werimwe boka revatori venhau reMedia
Institute of Southern Africa-MISA-VaGolden Maunganidze.

Apo muzinda weChina uri kuramba mashoko ekuti mamwe makambani ezvizvarwa zvayo ari kushungurudza vashandi, chimwe chizvarwa chekuChina chakarova mushandi, VaBaldwin Nyevere vepaMuriel Mine mudunhu reMashonaland West avo vakanorapwa pakiriniki yepamugodhi uyu svondo rapera.

VaNyevere avo vanoti vakanomhan’ara kumapurisa eZimbabwe Republic
Police pamugodhi apa asi kusvika parizvino hapana zvati zvaitwa.

Mukuru webasa paMuriel Mine pane zvimwe zvizvarwa zvekuChina
VaLewis Munyoro vati havakwanise kutaura nezvenyaya iyi.

Vanoziva zviri kuitika paMuriel Mine vanoti chizvarwa chekuChina ichi
chakangomiswa basa kwemazuva gumi chete asi mutemo wepabasa uchiti mushandi anorova mumwe mushandi anodzingwa basa.

Mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu,
vanoti zviri kutaurwa nemuzinda weChina manyepo.

VaMaguwu vaenderera mberi vachiti svondo rapera chairo vakaenda
kumugodhi weBikita Minerals apo vashandi vanosvika makumi masere vari kungoshanda vasina chibvumirano kana kuti contract uye vachitambiriswa mari shoma zvichienzaniswa neyavanofanirwa kupihwa pamutemo.

Panyaya yekuti chizvarwa chekuChina chakarova mumwe mushandi chichasungwa here mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West Amai Margret Chitove varamba kutaura vachiti titaure nemutauriri wemapurisa munyika Asstistant Commissioner Paul Nyathi, avo vanga vasingadaviri mbozhanhare yavo.

Asi masangano evashandi akaita seZCTU neZFTU ari kukurudzirawo hurumende kuti iferefete nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevashandi. Izvi zviri kukurudzirwawo nemagweta anoona nezvenharaunda eZimbabwe Environmetal Lawyers Association.

Sangano reChamber of Chinese Enterprises in Zimbabwe richinyora padandemutande reTwitter rinoti kunyangwe dzimwe nhengo dzaro dziri kupomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevashandi, haasi makambani ose ekuChina ari kuita izvi.

Nyaya yemakambani ekuChina ina Nunurai Jena
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG