Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kudzika Mitemo Yakasimba muKuderedza Kumbunyikidzwa kweVanhu Vachishandiswa kanaKuendeswa Kwavasingadi


Gwaro reState Department ra2022 riri pamusoro pekufambiswa kwevanhu vasingade.

zimbabwe iri kukurudzirwa kudzika mitemo yakasimba inobatsira mukuderedza kumbunyikidzwa kwevanhu vachishandiswa kana kuendeswa kwavasingadi (human trafficking).

Gwaro raburitswa nebazi rehurumende yeAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, kana kuti State Department ,panyaya dzekumbunyikidzwa kwevanhu vachizoguma vobatwa senhapwa kana kuti Trafficking in Persons Report rinoti Zimbabwe kwemakore maviri akatevedzana yaiswa panyika dzinoda kutarisiswa zvakanyanya kana kuti Tire 2 Watch list.

Izvi zvinoreva kuti Zimbabwe iri kutadza kugadzirisa dambudziko iri.

Vachitaura nezvegwaro iri rinonzi 2022 Trafficking in Person Report vakafanobata chigaro chemumiririri weAmerica muZimbabwe Amai Meg Riggs vaudza Studio 7 kuti gwaro iri rakakosha zvikuru mukuedza kudzivirira dambudziko rekumbunyikidzwa kwevanhu vachizoguma vobatwa senhapwa kana kumanikidzwa kuita zvepabonde.

Kazhinji vanhu ava vanenge vanyeperwa kuti vari kuenda kumabasa. Vati Zimbabwe haina zvayakanyanya zvairi kuita kugadzirisa dambudziko iri.

Kuti Zimbabwe ive pachidanho chiri nani, Amai Riggs vakurudzira hurumende kuti ipe zvikwanisiro kune vanorwisa nyaya dzekumbunyikidzwa kwevanhu idzi.

Vana vadiki kubva kuZimbabwe vanonzi vari kusanganawo nedambudziko iri vachiburitswa muZimbabwe kunoshandiswa munyika dzakapoteredza dzakaita seSouth Africa.

Zvimwe zvinokurudzirwa negwaro iri kuti Zimbababwe iite zvinosanganisira kuomesera vanoita zvekumbunyikidza vanhu uye kupota ichi mhan’ara nekupa humbowo hwezvedambudziko iri zvinonzi hazvisi kuitwa.

Gwaro iri rinotiwo vamwe vana kubva Mozambique neZambia vanombunyikidzwa mushure mekupinzwa muZimbabwe zvisii pamutemo.

Vanhu vakawanda vanoguma vombunyikidzwa kuSputh Africa vachibva kunyika dzakaita saanaEthiopia neSomali vanonzi vanodarikawo nemuZimbabwe

Asi vachipindura, Amai Prisca Madziviridze vanova gweta rebazi rinoona nezvemukati menyika vati gwaro iri harisi kutarisisa kuti Zimbabwe sedzimwe nyika yakavhiringwa nechirwere cheCovid-19 izvo zvinovawo zvakakanganisa mabasa ekudzivirira kumbunyikidzwa uku.

Amai Madziviridze vanotiwo Zimbabwe iri mushishi kuvandudza mitemo ine chekuita nekumbunyikidzwa kwevanhu.

Vatiwo havawirirani nezviri mugwaro iri vachiti Zimbabwe iri kuisa zvekushandisa zvakawanda mukurwisa dambudziko iri vachitiwo nyika yakakwanisa kunotora vaive vasangana nedambudziko iri kunyika dzakaita seKuwait.

Asi mukuru wesangano rakazvimirira roga rinoona nezvekurwiswa kwedambudziko iri reShamwari yeMwanasikana Amai Ekenia Chifamba vaudzawo Studio 7 kuti Zimbabwe ichiri kumashure mukugadzirisa dambudziko iri.

Vaenderera mberi vachiti dambudziko guru nderekusanzwisisa kuti pane mhando dzakasiyana siyana dzekumbunyikidzwa dzinowanikwa nevanhu kunyangwe vari munyika yavo vasina kuenda mhiri kwemakungwa.

Zimbabwe haisati yavandudzawo mutemo we2014 Trafficking in Person Act kunyangwe hazvo hurumende ichiti ine hurongwa hwekuita izvi.

Munguva shoma yapfuura hurumende yeZimbabwe yakayambirawo veruzhinji kuti vasaenda kunyika dzakadai se Oman kuMiddle East vachiti vanhu vange varikumbunyikidzwa.

MuTier 2 Watch List mune nyika makumi matatu neshanu dzinosanganisira gumi nesere dzemuAfrica. South Africa, Zambia, Eswatin, Mali nedzimwe. Nyika dzine dambudziko rakomba zvakanyanya kana kuti Special Case dzinoti Libya, Somalia neYemen.

Munyika dzose nhatu idzi mune hondo. Panyika dzose dzemuAfrica, Namibia ndiyo chete iri muTier 1 mune nyika dzine mitemo yakanaka dzinosanganisira America nedzimwe dzakabudirira.

Nyaya yekufambiswa kwevanhu vasingade ina Rutendo Mawere
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG