Accessibility links

Breaking News

Hurumende, Vanopikisa neVakazvimirira Vokurudzirwa Kugara pasi Kuti Vazeye Matambudziko Ari muNyika


VaRashid Mahiya mukuru wesangano reHeal Zimbabwe vokurudzira kuti vanhu vagare pasi vazeye matambudziko ari munyika.
VaRashid Mahiya mukuru wesangano reHeal Zimbabwe vokurudzira kuti vanhu vagare pasi vazeye matambudziko ari munyika.

Panguva iyo nyika yatarisana nesarudzo dza 2023, zvinhu zvinonzi zviri kuramba zvichiita manyama amire nerongo munyika munyaya dzekodzero dzevanhu hurumende pamwe nemapurisa vachipomerwa mhosva yekusatevedzera bumbiro remitemo yenyika.

Zvimwe zvinonzi zviri kunetsa munyika pari zvino kuparara kwehupfumi hwenyika izvo zvinonzi zviri kuwedzera matambudziko ari munyika.

Munyaya dzemihoro inonzi haina zvaichatenga, vashandi vehurumende vakazivisa svondo rino kuti nhaurirano dzavaiita nehurumende pamusoro pemihoro dzakaparara dzisina chabuda vashandi vachipomera hurumende mhosva yekusavimbika uye kuita zanu ndega pakuwedzera vashandi mari.

Ukuwo, mubatanidzwa wemasangano akazvimirira weCrisis in Zimbabwe Coalition pamwe nemamwe masangano evashandi vehurumende vakanga varongawo kuti vanhu vapinde mumigwagwa neChishanu kuti varatidzire, asi mapurisa anonzi akanyima sangano iri mvumo.

Vashandi vehurumende vakavimbisa zvakare kuramwa mabasa kutanga neMuvhuro unouya kana nyaya yemihoro yavo isina kugadziriswa.

Asi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa pamwe nebato ravo reZanu PF, vagara vanopomera mizinda yenyika dzekunze iri munyika mhosva yekupindira munyaya dzeZimbabwe nekukonzera matambudziko ose anonzi ari kusangana nenyika vachiti mizinda iyi iri kuda kusvibisa hurumende yavo pamberi pesarudzo dza 2023.

Nhengo yeZanu PF, Doctor Simba Mavaza,

avo vari kuBritain, vanotsinhira mashoko eabto ravo pamwe neVaMnangagwa ekuti vari kuda kuratidzira vari kushandiswa nenyika dzekumawirira kuti vabvise hurumende yakasarudzwa zviri pamutemo.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu uye vachitungamira sangano reHeal Zimbabwe Trust, VaRashid Mahiya, vanoti hapana munhu ari kutmwa nevekunze kuratidzira, vachiti vana veZimbabwe vari kutumwa nematumbu avo ane nzara.

VaMahiya vanoti kuti dambudziko iri ripedzwe, vanhu vose vanofanirwa kugara pasi votaurirana, danho riri kutsigirwawo naDoctor Mavaza, vachiti rakanaka asi vachikomekedza vemapato anopikisa pamwe nevemasangano akazvimirira kuti vatungamidze nyika yavo mberi mune zvose.

POLITICAL PANEL-SHO-JONGA 21 JULY 2022 (FINAL).wav
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG