Accessibility links

Breaking News

Vashandi vepaGaths Mine Vorara Panze Mushure Mekudzingwa neGreat Zimbabwe University


Gaths Mine Masvingo

Vaive vashandi vekambani yemarata yeGaths Mine kuMashava vave kugara panze munguva ino yechando mushure mekudzingwa mudzimba dzavo idzo dzakatengwa nechikoro cheGreat Zimbabwe University.

Kambani iyi yakavharwa ikasiya vashandi vasina kwekuenda kana kubhdharwa. Mugodhi uyu waive wamuzvinabhizimisi Mutumwa Mawere usati watorwa nehurumende yakakundikana kuti utange kushanda zvakanaka.

Vachitaura neStudio 7 vamwe vagari vemhuri dzinosvika makumi mashanu dzakadzingwa vanoti havana kwekuenda sezvo hupenyu hwavo hwese vaigara mudzimba dzekambani iyi uye Havana kubhadharwa mari dzekugumurwa pabasa. Mumwe ati anoda anoda kuzivikanwa nekuti Amai Shama Makaya vati vari kutambura nekuendesa vana nevazukuru vavo kuchikoro avo vari kurarawo pamhene.

Amai Elista Dube vakadzingwawo vanoti vanotyira kuti vana vacharwara nechando sezvo vari kugara pedyo numugwagwa.

Asi Mutauriri wechikoro cheGreat Zimbabwe, VaAnderson Chipatiso vanoti vagari ava vakapuwa nguva yakareba kuti vatame asi vairamba.

Hatina kukwanisa kunzwa diviri rehuremende sezvo gurukota rekucherwa kwezviwanikwa, VaWinston Chitando vange vasingabatiki.

Asi VaChitando vakambovimbisa vatori venhau kuti vagari ava havafaniri kudzingwa vasati vawanirwa pekugara nehurumende.

Mune imwewo nyaya sangano rinomirira vashandi vanochengetedza nzvimbo
kana kuti maSecurity guards rePrivate Security Workers Union (PSWU)nhasi vazivisa vashandirwi vavo kuti vanoda kukanda mapadza pasi mumazuva gumi kuti vapihwe mihoro yavo nemari yekunze .

Mutsamba yavo yeziviso yavaisa kumasangano evashandirwi, sangano
rePSWU rati mari yavari kutambira yema RTGS iri kushaya simba zuva nezuva
nekudaro haichakwani.

Vanoona nezvekufambiuswa kwebasa muPSWU muMasvingo, VaDarlington
Banda vanoti mari yavari kutambira inosvika zviuru makumi matatu
nezvishanu 35 000 uye ishoma.

Sachigaro wesangano rinomirira vashandirwi remakambani aya reSecurity
Association Employers in Zimbabwe(SAEZ), VaTapiwa Karoro vati
vanotarisira kuita nharurirano nevashandi.
Vaenderera mberi vachiti makambani avo ari kunetseka kuwana mari
yekunze kuti vabhadhare vashandi.

Vashandi vemakambani ekunze ava vabatana nevashandi vehurumend vari
kunynunyutawo kuti vave kuda kubhadharwa nemari yekuAmerica.

Munyori mukuru musangano revashandi reZCTU VaJaphet Moyo vati zviri kuitwa nevashandi zviri kuratidza kuti vatambura.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi munyika Muzvinafundo Paul Mavima kuti tinzwe divi rehurumende sezvo vange vasingadairi nhare
yavo.

Kunyangwe vashandi vari kuti vari kuda kubhadharwa mari yekunze, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakaudza dare reparamende kuti hurumende haina mari yacho.

Vemakambani vari kutiwo mari yekunze iri kunetsa kuwana sezvo hurumende iri kuvamanikidza kuti vatengese zvinhu zvavanogadzira nemari yemunyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG