Accessibility links

Breaking News

Chiedza Community Welfare Trust Yoshanda neMadzimai ekwaMutasa Kusona maSanitary Pads


Panguva iyo hupfumi hwenyika huri kuraba huchienda kumawere, sachigaro wesangano reChiedza Community Welfare Trust, Amai Gladys Mukaratirwa vanoti vakavhura fekitori yekusona masanitary pads ejira anoshandiswa nemadzimai pakutevera munharaunda yeMutasa kuManicaland.

Fekitori iyi inoshandwa nemadzimai emunzvimbo iyi uye ine chinangwa chekuyedza kupedza dambudziko ranga riri kutadzisa vanasikana vazhinji kuenda kuchikoro panguva yavo yekuteera.

Amai Mukaratirwa vanoti fekitori yavo yakaunza mabasa kumadzimai mazhinji izvo zviri kuva batsira kuti vawane cheuviri.

Vanoti pari zvino vari kutengesera masanitary pads aya maMutasa nedzimwe nzvimbo dzakasiyana siyana munyika yose.

Vaenderera mberi vachiti vari kushanda zvakare nemasangano akazvimirira munyika ayo anotenga masanitary pads kubva kwavari vachizonopa vanasikana vari kuzvikoro zvaka siyana siyana.

'Ndiri kufara kuti ndiri kushanda kumaruwa uye kuti ndakakwanisa kuvhura fekitori iyi iri kupa mabasa kumadzimai ari munharaunda uye tichisona masanitary pads asinga dhure asi anogona kushandiswa neruzhinji."Amai Mukaratirwa vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG