Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheZiva Kwawakabva Chounganidza Vana Vari muAmerica muKupera kweSvondo Vachidzidziswa nezveTsika neMagariro zvekuZimbabwe


Vamwe vevana vakapinda muchirongwa cheZiva Kwawakabva chakapfuura.
Vamwe vevana vakapinda muchirongwa cheZiva Kwawakabva chakapfuura.

Vamwe vabereki vanobva kuZimbabwe asi vakaberekera vana vavo muAmerica kana kuti vane vana vakaberekerwa kuZimbabwe asi vari kukurira muAmerica vari kusangana mukupera kwesvondo muGreencastle mudunhu rePennsylvania vachidzidzisa vana vavo makuriro nemagariro evanhu vekuZimbabwe pahurongwe hwe “Ziva Kwawakabva”.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhwu, uye vari mumwe wemadzimai mana akavamba chirongwa che"Ziva Kwawakabva", Amai Sibongile Chinodakufa, vanoti chirongwa chavo ichi chiri kutambirwa zvakanaka chose nevabereki vane vana muAmerica.

Amai Chinodakufa vanoti chirongwa chavo chinoshanda nevana vane makore anotangira pamaviri kusvika kumakore gumi nemasere, uye vanoshandawo nevamwe vana vayaruka vakambenge vari muchirongwa ichi, avo vanoenda kunobatsira kushanda nevana.

Vanotiwo vanoita zvirongwa zvakawanda zvakasiyanasiyana zvinosanganisira kudzidza mitauro, tsika, magariro nehunhu hwekumusha, uye mitambo yekumusha pamwe nezvekudya, uye vanokokawo nyanzvi dzakasiyanasiyana dzinobva mumapoka akasiyanasiyana dzine midzi yekuZimbabwe.

Gore rino zvizvarwa zveZimbabwe zvine hunyanzvi zvichange zviripo kudzidzisa vana zvinosanganisira VaJonah Masiya, avo vachange vachidzidzisa vana kuridza mbira nengoma, naAmai Cassandra Sibanda-Guni, avo vachange vachidzidzisawo zvekubika.

Mamwe madzimai anonzi ari mukomiti iri kukokera "Ziva Kwawakabva" ndaAmai Furusa, Amai Tsitsi Nematadzira pamwe naAmai Tomutenda, uye vanoti vakaumba chirongwa nechinangwa chekuti vana vasakanganwe kuti vane ropa reZimbabwe rinomhanya mutsinga dzavo.

Amai Chinodakufa vanoti chirongwa chavo hachina kungonangana nevana vari muAmerica chete, asi kuti vese vane midzi yekuZimbabwe vari pasi rose vakasununguka kupinda.

Vanoti kunyange hazvo vakambotadza kuungana nekuda kwedenda reCovid-19, vakaramba vachiita chirongwa chavo ichi padandemutande, uye vanofara chose kuti gore rino vari kukwanisa kuungana.

Hurukuro naAmai Sibongile Chinodakufa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG