Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Votambira Mari Yakawedzerwa yeMadhora emuZimbabwe Vachiti Mutero weMbwa.


Vamwe vashandi vehurumende nhasi vatambira mari dzavo dzakapetwa kaviri sezvakavimbiswa nehurumende asi vari kuchemachema chema kuti nekushaya simba kwedhora remunyika kungotambiriswa mutero wembwa.

Vatambira mari idzi vanosanganisira varairidzi. Kunyangwe vashandi vari kuti vave kudakutambiriswa nemari dzekuAmerica nekuda kwekushaya simba kwedhora remunyika, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakaudza dare reparamende kuti hurumende haina mari yekunze yekubhadhara vashandi ava.

Vashandi vari kuchema chemawo kuti hurumende inongowedzera mari yainoda pasina kutaurirana. Asi gurukota rezvevashandi VaPaul Mavima vakaudza Studio 7 kuti hurumende yakagadzirira kuramba ichiita hurukuro nevashandi vayo nezvemihoro.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Confederation of Public sector Traade Unions Amai Cecilia Alexander vaudza Studio 7 kuti vashandi havasi kufara nemari dzavatambiriswa.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG