Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kugara Pasi neMakambani Ainoti Ari Kutsaudzira Mune zveHupfumi


Gurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, Nov. 28, 2019. (Columbus Mavhunga/VOA)
Gurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, Nov. 28, 2019. (Columbus Mavhunga/VOA)

Dzimwe nyanzvi dzezvehupfumi pamwe nevemabhizimusi vanoti zvimwe zvirongwa zvebudiriro pamwe nemamwe matanho ekudzikamisa hupfumi hwenyika zvinoitwa nehurumende ndizvo zvimwe zvezvinhu zviri kuwedzera kushaya simba kwedhora remunyika.

Izvi zvinotevera mashoko akaburitswa neMuvhuro negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, ekuti hurumende icharanga zvakaomarara mamwe makambani avakati ari kuita basa rekudira mari yemunyika pamusika mutema iwo otora dhora rekuAmerica.

Muzvinafundo Ncube vakayambira makambani avakati anopiwa mabasa nehurumende achibhadharwa nemari yemunyika, amatanho akaomarara achatorwa nehurumende anosanganisira kuona kuti mari yakabhadharwa makambani aya yakashandisweyi, kuatorerwa mari dzinenge dzafungidzirwa kuti dzakawanikwa kuburikidza nemusika mutema, uye kusazobvumidzwa zvakare kuwaniswa mabasa nehurumende pamusoro pekuvharirwa mabhuku ekumabhanga.

Nyanzvi mune zvehupfumi, Doctor Tapiwa Mashakada, vanoti mhosva iri kuna Muzvinafundo Ncube nehurumende nekuti ndivo vanobhadhara vanoitira hurumende mabasa nemari yemunyika yavanoziva kuti haichina chaichatenga.

Imwewo nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti nenyaya yekuti hurumende iri kubhadhara vemakambani ava nemari yemunyika, vemakambani ava vanozomanikidzwa kumhanya kumusika mutema sezvo vachiziva kuti vakaramba vaine mari iyi inoshaya simba.

Asi Doctor Chitambara vanoti kuvatorera matanho ekuvavharira mabhuku avo ekumabhanga kana kuvasvibisa mazita avo kuti vasazopiwa zvakare mabasa nehurumende hazvina zvikuru zvazvinoshanda sezvo zvichitokanganisa hukama hwehurumende nemakambani aya, asi chikuru kugara pasi votaurirana.

Imwezve nyanzvi inoshanda yakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanotiwo dambudziko ravanoona pamusoro pekuvhundutsirwa kunoitwa makambani nehurumende nderekuti simba rehurumende rinenge rakawanidra kumuromo sepinjisi asi pasina matanho anoonekwa anozotorwa kuti zvionekwe kuti zvinozopera sei?

Studio 7 yakundikana kubata VaNcube kuti tinzwe zvizhinji panyaya iyi.

Asi vaimbove gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, vari zvakare mumwe wevakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri webato reCitizens’ Coalition for Change, VaTendai Biti, vanoti hurumende inofanirwa kudzidza kugara pasi nemakambani emunyika kuti vazeye matambudziko kwete kumhanyira kushandisa chiwepu.

Kunyange hazvo vamwe vachiti wave mugariro kuti hurumende inotsvaga vekuzora dope, gwaro rakaburitswa nesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, muna Chivabvu rinoratidzawo kuti iyo hurumende iri kuona kauswa kari muziso remumwe ichitadza kona danda riri muziso mayo.

Sangano iri rakati zvimwe zvezvirongwa zviri kuitwa nehurumende zvakaita sekugadzirwa kwemigwagwa, kuvakwa kwemadhamu uye kuverengwa kwevanhu pamwe nesarudzo dzema by-election ndizvo zvimwe zviri kuwedzera dhora remunyika pamisika zvinozoita kuti rirambe richishaya simba zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica.

Gwaro iri rinonzi rakatosvitswa kubazi rezvemari pamwe nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.

Kunze kwekunge hurumende yateererawo zviri kutaurwa nedzimwe nyanzvi idzi yagara pasi nevemakambani, zvinhu munyaya dzehupfumi zvinonzi zvicharamba zvichiita sebhasikiti raTizirai, rinoti uku riri kurukwa uku riri kurudunurwa.

Nyaya yezvehupfumi ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG