Accessibility links

Breaking News

INSTAK Yokurudzira Kudzoswa kweZvakapambwa Kubva muAfrica neVachena


Sangano reInstitute of African Knowledge (INSTAK)iro ririkufambisa mabasa eAfrican Liberation Museum rinoti zvakakosha kuti zvakatorwa kunyika dzekuAfrica apo dzaiva dzisati dzawana kuzvitonga kuzere zvidzoswe.

Vachitaura nevatori venhau vange vachiratidzwa nzvimbo iri kuvakirwa dura renhoroondo iri reLiberation City, vanoona nezvekushambadzira hurongwa hweINSTAK VaJoseph Nkani vati zvakakosha kuti zvakapambwa kubva kuAfrica zviri munyika dzakaita seBritain, America nedzime nyika zvidzorwe.

VaNkani vanoti museum iyi, iyo ichange ichitaridza nhoroondo yakafambwa nenyika dzemuAfrica kusvika dzawana kuzvitonga kuzere ichawana zvekushandisa kubva kumubatanidzwa weAfrica Union. Vati nzvimbo dzenhoroondo dzakadai dzakakosha zvikuru.

VaNkani vaudzawo vatori venhau kuti donzvo ravo harisi rekurerekera kune bato ripi zvaro rezvematongerwo enyika asi kupa ruzivo kune veruzhinji.

Nyanzvi munyaya munyaya yemagariro evanhu vatema (Pan Africanist Researcher) VaNapoleon Nyanhi vaudza Studio 7 kuti danho rakatorwa nenyika dzemuAfrica idzi kuita museum rakakoshera vatema kuti vagadzire nhoroondo yavo vega.

VaNyanhi vatiwo vanowirirana neINSTAK kuti zvinhu zvakapambwa kubva kuAfrica zvidzoswe.

Zvimwe zvatove mumuseum umu zvinosanganisira zvaishandiswa nevaive varwi vehondo yerusununguko kusanganisira mushakabvu Josiah Magama Tongogara, VaLeopold Takawira, VaJoshua Nkomo pamwe naVaSimon Mzenda.

Museum iyi iripadyo nemusha weWestlea muHarare muna Samora Machel Avenue. VaNkani vaudza vatori venhau kuti mumahectare zana nerimwe avanawo vari kuzovaka nzvimbo yavanoti guta rerusununguko.

Zvimwe zviri kutarisirwa kuvepowo ihotera, zvitoro zvinenge zvichitengesa zvinhu zvakasiyana-siyana zvemuAfrica, nzvimbo inenge ichichengeterwa mhuka, panodirwa mafuta edzimotokari, nzvimbo dzekutandarira pamwe nenzvimbo dzekuitira misangano yakasiyana-siyana.

Vamwe vagere pedyo neMuseum iyi vasina kuda kubuda pamhepo vaudza Studio 7 kuti vakaziviswa nezvekuvapo kwezvivakwa izvi vachiti vakanzi havasi kuzotamiswa.

VaNkani vatiwo kunyangwe hazvo pakamboitawo mutauro nezve imwe nzvimbo yavakapiwa nehurumende, vakakwanisa kutaurirana vakapedzerana namuzvinabhizimusi VaPhillip Chiyangwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG