Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yotumira Nhume Kuna VaJuly Moyo paNyaye yePomona


Gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo
Gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo

Kanzuru yeHarare nhasi yatora danho rekutuma nhume kugurukota rezvematunhu VaJuly Moyo kunozeya nyaya yechibvumirano chekutorwa kwemarara chakaitwa nekanzuru iyi nekambani ye Geogenix zvichitevera tsamba yaVaMoyo yekuti kanzuru yeHarare inofani kuzadzisa chibvumirano ichi.

Makanzura eguta reHarare aita musangano wechimbichimbi wekuzeya tsamba yaVaMoyo avo vakashandisa masimba avo kumanikidza kanzuru yeHarare kuti ibhadhare chikwereti chayo kukambani yeGeogenix BV mushure mekunge kanzuru yatora danho rekusabhadhara kambani iyi ichiti chibvumirano ichi hachina kunakira vagary sezvo chichawedzera mari dzemitero zvakanyanya.

Meya weHarare, VaJacob Mafume, vebato reCitizens Coalition for Change vati makanzura abvumirana kuti aumbe chikwata chichange chichitungamirwa naivo VaMafume chichanosvitsa zvichemo zvekanzuru kuna VaMoyo.

VaMafume vati homwe yavo yakabooka zvekuti kanzuru yavo iri kutokundikana kubhadhara vashandi vayo. Vati kupa kambani yeGeogenix BV kuno kanganisiwo mamwe mabasa ekanzuru akafanana nekugadzirwa kwemigwagwa nekuwanisa vagari mvura yakachena nguva dzose sezvo mari isiri kuvakwanira.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMoyo sezvo vanga vasingadaire nharembozha yavo. Asi mutsamba yavakanyorera kanzuru yeHarare svondo rapera, VaMoyo vakati kanzuru iyi inofanira kuzadzisa chibvumirano ichi vachiti chisungo chakaitwa nekanzuru chekusabhadhra chikwereti kuGeogenix BV hachisi pamutemo.

Mutungamiri werimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba vati masimba egurukota rezvematunhu akawandisa zvekuti anokanganisa mashandiro emakanzuru.


Vachitaura mumusangano wekanzuru uyu, kanzuru veWard 16, VaDenford Ngadziore vebato reTripple C, vati panofanira kuitwa ongororo yekuti michina yekanzuru iri kuPomona yakawanda zvakadii uye kuti marara ari kuPomona kwacho akawanda zvakadii kuitira kuti kanzuru isabhadhariswe mari pasina.

VaNgadziorr vatiwo panofanira kuonekwa kuti paiswa chikero chekuyera marara anenge achipinda kuPomona Dumpsite izvo zvatsigirwawo naVaShumba.


Danho rakatorwa naVaMoyo rinouya mushure mekunge kanzuru yeHarare yaramba kubhadhara mari inoita zviuru mazana manomwe nemakumi masere zvemadhora ekuAmerica kukambani yeGeogenix BV ito yave kuona nezvemarara anorasirwa kuPomona nekanzuru.

Pasi pechibvumirano ichi, kanzuru yeHarare inofanira kubhadhara kambani yeGeogenix BV makumi mana emadhora ekuAmerica patani yegayega yemarara anoendeswa kuPomona zvichireva kuti pakupera kwegore kambani Iyi inenge ichifanira kubhadharwa mari inodarika mamiriyoni masere emadhora ekuAmerica kana kuti 8 million.

Chibvumirano ichi, icho chakanyoreranwa nekanzuru nekambani yeGeogenix BV panguva yaitungamirwa kanzuru yeHarare nemakanzura eMDCT, chiri kushorwa nevagari vakawanda muHarare pamwe nebato reCCC iro rave kutungamira kanzuru iyi. Mutungamiri weMDC-T VaDouglas Mwonzora vakatiwo ongororo yavo yakabuditsa pachena kuti chibvumirano ichi hachibatsire guta nemamiriro achakaita.

Asi vachitaura muparamende svondo rapera, mutevedzeri wegurukota rezvematunhu, Amai Marian Chombo vakati bazi ravo riri kuda kuona kuti mutemo uri kutevedzerwa uye vakaramba mashoko enhengo dzeparamende ekuti bazi ravo rave kuita basa rekutevrera zvikwereti zvisinei naro vachiti makanzuru ari pasi pebazi ravo saka nokudaro vanofanira kuona kuti makanzuru anenge achiita zvinhu achitevedzera mitemo pamwe nezvibvumirano zvaanenge aita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG