Accessibility links

Breaking News

Mabishopu eRoma Anoti VaMnangagwa Vakundikana, Vanofanira Kuita Nhaurirano neVamwe


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutsamba kuruzhinji, mabishopu ekereke yeRoman Catholic munyika akurudzira kuti paitwe nhaurirano nemapato ose nekuti zvinhu zvaita manyama amire nerongo.

Mutsamba yanyorwa nhasi iyi, vakuru vekereke iyi vati zvirongwa zvemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika zvakundikana zvapa kuti vanhu vagare muhurombo hunotyisa.

Vayambira kuti munyika munogona kuita mhirizhonga inotyisa pamberi pesarudzo dza2023 uye vave kutoona kusagadzikana munyika sezvo patotanga kudeurwa ropa ne mhirizhonga.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa kuti tinzwe divi ravo.

Asi pakambotaurwa mashoko ekushora hurumende nemabishopu aya muna 2020, Amai Mutsvanga vakavashora zvikuru vachiti vaida kukonzera kusagadzikana munyika nekuda kukonzera hondo yemarudzi pavakataura nezveGukurahundi.

Sangano reAfrican Union, the Arab League and IGAD (Intergovenmental Authority on Development) vari kutumira mutungamiri wenyika yeKenya VaWilliam Ruto, mutungamiri weSouth Sudanese VaSalva Kiir uye mutungamiri weDjibouti’s VaOmar Guelleh.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG