Accessibility links

Breaking News

Pakuratidzira, Vanhu Voti Ngaivhiyiwe Hurumende Ichiti Haivhiyiwe


Mapurisa ange akawanda nhasi mukati meguta apo vashandi vehurumende nemasangano anoshanda akazvimirira vange vachitarisirwa kutanga kuratidzira vachida mihoro inokwana, kutsutsumwa kuoma kwaita hupenyu pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kwavanoti kuri kuitwa nehurumende.

Asi mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaudza musangano webato ravo reZanu PF kuti vanoziva kuti vemapato anopikisa vari kuronga mhirizhonga uye mauto akagadzirira kudzivirira izvi.

Vari kuronga kuratidzira uku vanosanganisira mubatanidzwa wemasangano akazvimirira oga weCrisis in Zimbawe Coalition pamwe nevashandi vehurumende vati vachaenderera mberi nehurongwa hwavo zvisinei nezviri kuitwa nemapurisa.

Sachigaro veCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa vanoti hapana kudududza.

Vati nhasi vambodaidzwa nemapurisa vaka bvunzurudzwa nezvehurongwa hwavo hwekuratidzira. Vati vachaudzwa mhinduro yekuti voenderera mberi here kana kwete nemusi weChitatu. Vati vange vakazivisa mapurisa kare nezvekuda kuratidzira uku.

VaMutasa vatim asangano anomirira vadzidzi, machechi nevamwe vari kukurudzira veruzhinji kuti vapinde mumugwagwa neChishanu kuti vanoisa zvichemo zvavo kuparamende pamwe nekomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu vachikumbira kuti kodzero dzevanhu dzichengetedzwe nehurumende zvisinei kuti ndeve bato ripi.

Munyori mukuru musangano rinomirira vashandi vehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaDavid Dzatsunga, vaudzawo Studio 7 kuti hurongwa hwavo huchaenderera mberi kana hurumende ikasa bvuma zvavari kuda kuti mushandi wepasi atambire madhora mazana mashanu nemakumi mana ekuAmerica pamwedzi.

Vatiwo havasi kuzobvuma kutyityidzirwa nemapurisa nekuti havasi kuita zvematongerwo enyika kana zvemhirizhonga.

Asi gurukota rezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavhima vanoti hapana chikonzero chekuti vashandi varamwe mabasa vachiti vanofanira kuramba vachitaurirana pasi peNational Tripatite Joint Negotiationg Forum (NTJNF). NTJNF inotarisirwa kuita musangano svondo rino.

Asi VaDzatsunga vanoti hapana chitsva chichabuda mumusangano uyu.

Vashandi vese hurumende vakapa hurumende masvondo maviri kuti igadzirise zvichemo zvavo uye ikatadza vacharatidzira. Masvondo maviri aya anokwana nemusi weChina.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti mapurisa ange akawanda mumigwagwa ange achiita basa ravanoita mazuva ose rekuchengetedza runyararo.

Svondo rapfuura bato guru rinopikisa rakurudzira veruzhinji kuti varatidzire murunyararo vachitsutsumwa nekutyorwa kwekodzero dzenhengo dzaro dzakaita semumiriri weZengeza West, VaJob Sikhala nemumiriri weChitungiwza North, VaGodfrey Sithole avo vari kumiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekukodzert mhirizhonga kuti Chitungwiza muna Chivabvu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG