Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vopomera veUN neMizinda Yekunze Mhosva Yekupindira muNyaya dzezveMatongerwo eNyika muZimbabwe


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kupomera vakuru vesangano reunited Nations munyika uye vamiri vedzimwe nyika dzekumawirira mhosva yekushandisa masangano akazvimirira oga kupindira munyaya dzezvemtongerwo enyika vachiti vachavatorera matanho.

VaMnangagwa vataura mashoko aya mugwaro ravanonyora nemusi wesvondo wega wega mubepanhau reSunday Mail. VaMnangagwa vati nekuda kweizvi hurumende yavo ichaenderera mberi nekudzika mutemo wekuvandudza mashandiro emasangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Act.

Mutemo uyu uri kushorwa zvikuru nevakawanda munyika nekunze vachiti uchakanganisa kubatsirwa kwevanhu vanoshupika munyika paine yambiro yekuti vanhu mamiriyoni mashanu vakatarisana nenzara munyika. Hatina kukwanisa kubata vanotaura vakamirira United Nations kana mizinda yekunze sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa kusvika taenda pamhepo.

Asi sachigaro wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition VaPeter Mutasa vati nekutya kukunsa musarudzo, bato reZanu-PF harichazive pfumo roribaya richingopomera mhosva munhu wose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG