Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weCCC, VaChamisa, Vanodoma Nhengo dzeParamende Dzichamirira Mapazi ose Ehurumende muDare


mutungamiri webato reCitizens Coalition for Change, CCC, VaNelson Chamisa.

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change, VaNelson Chamisa neChishanu vakadoma chikwata chichamirira bato ravo muparamende mumapazi ose ehurumende.

Mutsamba yavakanyorera mutauriri weparamende VaJacob Mudenda, VaChamisa vakazivisa kuti VaProsper Chapfiwa Mutseyami ndivo vachange vari mukokeri wenhengo dzeCCC muparamende vachiteverwa naAmai Sichelesile Mahlangu.

Mumwe wevatevedzeri vaVaChamisa, VaTendai Biti, ndivo vachange vachimirira bazi rezvehupfumi. kuchiti munyori mukuru webato, VaCharlton Hwende vari ivo vachange vachiona nezvebazi rezvekudzivirirwa kwenyika nezvevakarwa hondo.

VaWillias Madzimure vanonzi ndivo vachange vachiona nezvekutengeserana, Amai Susan Matsunga vachiona nezvemadzimai pamwe nemabhizimusi madiki, kuchitiwo Amai Judith Tobaiwa vachiona nezvehutano.

VaFani Munengami vakadomwa kuti vaone nezvedzidzo yepasi neyepamusoro, VaHappymore Chidziva vachiona nezvevechidiki, VaWellington Chikombo vachiona nezvekutongwa kwematunhu.

VaEric Murai ndivo vachange vachiona nezvekurima, VaJohnson Matambo vachiona nezvekushanyirwa kwenyika nezvakatikomberedza, VaSettlement Chikwinya vachiona nezvekutakurwa kwezvinhu.

VaKucaca Phulu ndivo vachange vachinangana nebazi rezvemitemo, kuchitiwo VaMurisi Zwizwai vachinangana nebazi rezvezvicherwa.

VaPrince Dubeko Sibanda ndivo vakanzi vachange vachiona nezvebazi rezvekuburitswa kwemashoko kuchitiwo VaDickson Tarusenga vachiona nezvemhando dzemoto.

VaGodfrey Koster vachange vari ivo munyori webato reCCC muparamende.

Mutevedzeri wemutauriri webato reCCC, VaGift Ostalos Siziba, vanoti chikwata ichi hachisi dare remakurukota kana kuti shadow cabinet, sezviri kunyorwa nevamwe mumadandemutande kwete, asi kuti ndechevanhu vachange vachinan'anidza mapazi ehurumende kuona kuti ari kushanda zvinotarisirwa here uye nekunangana nemakurukota muparamende.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti danho iri rakanaka chose sezvo rakanangana nekuforoma makurukota nekuona kuti vaita basa ravo nemazvo here.

Doctor Zembe vanoti vanotarisira kuti danho iri riri mugwara rebato iri, vachiti vanotarisira kuti panozoumbwa dare remakurukota rinenge richizoisa mukati nyanzvi dziri muCCC asi dzisiri nhengo dzeparamende, sezvo izvi zvakanangana neparamende chete.

Hurukuro naVaGift Ostalos Siziba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
CHAMISA APPOINTMENTS-ZEMBE-SHO-JONGA.mp3
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG