Accessibility links

Breaking News

European Union Inoburitsa Gwaro reSarudzo dzeZimbabwe dza2018 Ichiyambira Kuti Sarudzo dza2023 Dzinogona Kusagadzikana neKujeka


Sangano reEuropean Union

Sangano reEuropean Union raburitsa gwaro raro rekupedzisira riri pamusoro peongororo yarakaita yesarudzo dzakaitwa muZimbabwe muna 2018, richiti kana zvimwe zvine chekuita nesarudzo zvakakomekedzwa kuti zvigadziriswe zvisina kubatwa sarudzo dza2023 dzinenge dzisina kujeka uye dzisina runyararo.

Sangano iri rinoti pazvikomekedzwa zvayo zvose zvinokwana kuita makumi maviri nezvitatu, zviviri chete ndizvo zvabatwabatwa. EU inoyambira kuti nhandare yekutsvaga rutsigiro haina kuenzana, asi ichiti kana bhiri rekuvandudza mutemo wesarudzo rakatambirwa riri zvariri, rinogona kuunza shanduko dzinooneka kusarudzo

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi kuti tinzwe pasvika nyika nekuvandidza zviga zvine chekuita nesarudzo izvi.

Asi mushandi mukuru anoona nezvezvirongwa musangano reElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vanoti kunyange hazvo sarudzo dzaswedera, pachine nguva yekuti zviga zvakakomekedzwa izvi zvivandudzwe kuti sarudzo dzigoitwa murunyararo.

Hurukuro naVaSolomon Bobosibunu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG