Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Electoral Commission Inoti Yawana Mari Yakakwana Yekuti Veruzhinji Vakwanise kuOngorora Gwaro reVavhoti Pamwe neKutara Miganhu


Mutauriri weZEC, VaJasper Mangwana
Mutauriri weZEC, VaJasper Mangwana

Komishini inoona nezvesarudzo munyika yeZimbabwe Electoral Commission inoti yawana mari yakakwana yekuti veruzhinji vakwanise kuongorora gwaro revavhoti pamwe neyekushandisa mukutara miganhu (delimitation).

ZEC inotiwo haikurudzire mhirizhonga munyika, kunyange vamwe vachiti komisheni iyi haisi kushanda zvakakwana kudzivirira mhirizhonga dzezvematongerwo enyika dzakanangana nesarudzo.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi muHarare, mutauriri weZEC VaJasper Mangwana, vati vakapiwa madhora ekuAmerica mamiriyoni makumi masere nematatu ekushandisa.

VaMangwana vati chirongwa chekuti vavhoti vanoongorora gwaro revavhoti, iro richazoshandiswa mukuganhurwa kwematunhu, chichatanga musi wa 17 kusvika musi wa 26 Chikunguru. VaMangwana vakurudzira veruzhinji kuti vanoongorora gwaro iri kuona kana mazita avo arimo kunzvimbo dzavanonovhotera kana kushandisa nharembozha kana padandemutande.

VaMangwana vatiwo vahu vanodarika mamiriyoni mashanu ndovari pagwaro revavhoti pari zvino vachiti sezvo riri basa ravo rekugarogadzirisa gwaro revavhoti, kubva 22 Mbudzi 2021 kusvika pari zvino vakabvisa vashakabvu vanosvika zviuru makumi mapfumbamwe nezvitanhatu nemazana maviri nemakumi masere nevana (96 284).

Vachibvunzurudzwa nezvenyaya yevari kukurudzira mhirizhonga, kutyityidzira vavhoti kuti vasavhote vakasununguka, pamwe nekushandisa mashoko eruvengo, VaMangwana vati havana nhuna dzavati vanzwa nezvenyaya iyi asi vakakurudzira veruzhinji kuti kana pane zvaitika vanomhangara kumapurisa.

Asi izvi zvashorwa nemutevedzeri wemunyori anoona nezvesarudzo mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, Amai Ellen Shiriyedenga, vachiti ZEC haifanirwi kunakurira nyaya yekutyisidzirwa kwevanhu kumapurisa.

Amai Shiriyedenga vatiwo kunyangwe zvazvo vachifara kuti ZEC yapiwa mari yekutara miganhu, vatiwo vanoda kuti komishini iyi iite basa nemazvo mukutara miganhu pamwe nekuona kuti vari mune zvematongerwo enyika vabvumidzwa kuongorora kutarwa kwemiganhu.

Mutauriri weMovement for Democratic Change (MDC-T) VaWitness Dube, vatiwo vanga vari kutarisira kuti ZEC iisewo mari mukuvandudza mitemo ine chekuita nesarudzo kuti nyika iite sarudzo dzakajeka.

Hatina kukwanisa kubata mushandi anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF VaTafadzwa Mugwadi kanawo munyori anoona nezvegwara remusangano mubato iri, VaMike Bimha sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo.

ZEC yatiwo inotarisira kutanga chirongwa chekutara miganhu mushure mekunge sangano rinoverenga vanhu munyika re Zimbabwe National Statistics Agency razivisa hurumende huwandu hwevanhu vari munyika mushure mekuverengwa kwakaitwa vanhu muna Kubvumbi.

Zimbabwe iri kutarisirwa kuenda kusarudzo mugore rinouya ra 2023 uye vari mune zvematongerwo enyika vatotanga kare gadziriro dzekutsvaka rutsigiro.

Masangano akazvimiririra anotiwo mhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika iri kuwanda pamberi pesarudzo.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG