Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kudzika Mitemo Inoomesera Vanombunyikidza Vanasikana muZvikoro


Amai Charlene Chekenya
Amai Charlene Chekenya

Vakawanda vakapinda mumusangano wekuzeya nyaya dzekumbunyikidzwa kwevanasikana wakokerwa nesangano rakazvimirira rega reStand Foundation vanoti kana pasina mutemo wakanangana nedambudziko iri, hapana zvakawanda zvingaitwa kuri pedza.

Mukuru wesangani reStand Foundation Amai Charlene Chekenya vanoti vakokera musangano wakaitwa muHarare wekutsvaga nzira dzekupedza dambudziko rekushungurudzwa nenyaya yakarerekera kune zvepabonde kwevadzidzi vezvikoro zvepamusoro munyika sezvo dambudziko iri rakomba.

Amai Chekenya avo vabatana nechikoro chepamusoro soro cheWagner University uko kunove kwavakaenda kunoita zvidzidzo pasi pechirongwa chehurumende yeAmerica cheMandela Washington Fellowship pamwe nemamwe masangano akazvimiririra vati zvakakosha kuti vanhu vaise misoro pamwe kupanana mazano ekupedza dambudziko iri.

Amai Chekenya vanoti zvimwe zvinokonzera dambudziko iri ndezvinotevera.

Chief Inspector Samantha Chanetsa vanoshanda nebandiko reVictim Friendly Unit mu Zimbabwe Republic Police vachitaurawo pamusangano uyu vatendawo kuti panoda mutemo wakasimba unochengetedza madzimai. Vatiwo zvakakosha kuti nyaya yekushungurudzwa itaurwe mumhuri.

Vachitaurawo pamusangano uyu, Muzvare Tsitsi Zimuto vanoshanda nekomisheni inoona nezvekuyenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nemadzimai kana kuti Gender Commission vatiwo kunodawo dzidziso yakasimba kune veruzhinji nezvenyaya yekushungurudzwa zvakarerekera kune zvepabonde.

Muzvare Zimuto vatiwo kuungana sekwavaita kubva nezuro nanhasi vachitaura nezvenyaya iyi zvakakosha zvikuru sezvo zvichipa mukana wekuisa musoro pamwe kutsvaka nzira dzingapedze dambudziko rekushungurudzwa kwevadzidzi vekuzvikoro zvepamusoro pamwe nevamwe vanhu vose munyika.

Muzvare Aulyn Makoni vanoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume musangano revadzidzi vezvikoro zvepamusoro re Zimbabwe National Students Union (ZINASU) vatiwo sevadzidzi vafadzwa nedare raitwa iri iro rasanganisa vanhu vakasiyasiyana kutsvaka kugadzirisa dambudziko rekushungurudzwa kwevadzidzi.

Amai Chekenya vatiwo mubatanidzwa wavaita nechikoro chedzidzo yepamusoro chekuAmerica zvinovabetsera kupanana mazano ekuti dambudziko iri ringapedzwa sei.

Dr Ruta Shah Gordon mutevedzeri wemukuru weWagner College vati vanofadzwa nekushanda pamwechete namai Chekenya mukuedza kupedza dambudziko rekushungurudzwa kwevadzidzi pamwe nekubatsirana nezvikwanisiro .

Amai Chekenya vakaenda kuchirongwa cheMandela Washington Fellowship muna 2017 kuWagner.

YALI chirongwa chakaparurwa muna 2010 nevaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama.

Chakazotanga kunzi Mandela Washington Fellowship muna 2014 uye chakwanisa kuunza kuAmerica vechidiki vemuAfrica vakawanda kunodzidzira mabasa akasiyana siyana muzvikoro zvepamusorosoro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG