Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vopomerwa Dzimwe Mhosva


Job Sikhala
Job Sikhala

Mumiriri weZengeza West mudare reParamende VaJob Sikhala vakamiswa zvekare pamberi pedare redzimhosv vachipomerwa imwe mhosva itsva.

mhosvaVari kupomerwa yekuti vaida kuvhiringidza mapurisa kuferefeta nyaya yekupondwa kwamuzvare MoreBlessing Ali kuNyatsime kuchitungwiza.

VaSikhala vanonzi vakati pavhidhiyo muzvare Ali vainge vapondwa nevatsigiri veZanu-PF zviri kunzi nemapurisa aive manyepo.

VaSikhala vanova gweta remuhuri yamuzvare Moreblessing Ali vari mutirongo kuChikurubi sezvo vakapomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga parufu rwaMuzvare Ali.

Magweta anoti mhosva idzi dzakada kungofanana uye kwave kungotsvaga uta nemugate kwemapurisa.

Asi gurukota rezvemitemo vaZiyambi Ziyambi vakaudza Studio 7 kuti hurumende haisi kuzopeta maoko kana vanopikisa vakaita saVaSikhala vakada kukonzera kusagadzikana munyika.

Mutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa vakataurawo mashoko aya nezuro vachiti mapato anopikisa ari kuda kukonzera nyonga nyonga munyika.

Mutevedzeri wemutauriri webato reCCC VaGift Ostallos Siziba vaudza Studio 7 kuti hurumende haidi kuona vanhu vanopokisa bato riri kutonga re ZANU PF, saka vanhu ve bato ravo vari kushungurudzwa.

Hurukuro naVa Ostallos Siziba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vachipawo pfungwa dzavo, ,mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vaudza Studio 7 kuti bato ravo harishungrudze vanopikisa asi haringapete maoko kana paine vanenge vachida kukonzera mhirizhonga munyika.

Vanopikisa nevanorwira kodzero dzevnhu vanoti hurumende iri kushandisa mapurisa nematare kuvambunyikidza.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG