Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri ARTUZ, VaObert Masaraure Vonyimwa Mukana Wekubvisa Mari Yechibatiso.


Obert Masaraure

Mutungamiri wesangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vanyimwa nhasi mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yekupesvedzera mhirizhonga yavari kupomerwa uye kuzvidza dare.

Vamasaraure vari kupomerwa mhosva yekuita izvi padandemutande retwitter mushure mekunge vaburitswa mutirongo pamhosva yavari kupomerwa yekuponda imwe nhengo yesangano ravo VaRoy issa muna 2016 vaina Vachere nevamwe vasiri kuzivikanwa vanonzi vari kutsvagwa nemapurisa.

Tsvakurudzo yakamboitwa nedare yakati vaIssa vainge vadonha kubva mumba yemudurikidzswa yechinomwe yehotera yejameson muharare. Asi vachuchisi vehurumende vanoti vave nehumbowo hutsva hwekuti vaIssa vakaurayiwa mushure mekunetsana nevamwe vavo vana mutumbi wavo ukazowanikwa muna Park Street.

Asi VaChere naVaMasaraure vari kuramba mhosva iyi. Mutevedzeri wemunyori mukuru weARTUZ VaMunyaradzi Masiiwa vanoti sangano ravo harizi kudzora tsvimbo, vacharamba vachirwira raramo irinani yevadzidzisi kusvika zvinhu zvanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG